Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu? Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari. Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri. Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira. Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa. Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi. Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti, “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.” Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu. Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu. Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira. Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza. Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo. Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu. Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu. Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu. Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinanʼanidza uye vanofarira kutambudzika kwangu. Vanogovana nguo dzangu pakati pavo uye vanokanda mijenya nokuda kwenguo yangu.
Verenga chikamu Mapisarema 22
Terera ku Mapisarema 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 22:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo