Mapisarema 2
2
Kukunda kwohushe hwaMesiasi
1Ndudzi dzinoitireiko bope,
Navanhu vanofungireiko zvisina maturo?
2Madzimambo enyika anozvigadzira,
Navabati vanorangana,
Kuzorwa naJehovha nomuzodziwa wake, vachiti,
3“Ngatidambure zvisungo zvavo,
Ngatirashe mabote avo abve kwatiri.”
4Iye, agere kudenga-denga, achaseka;
Ishe achavadadira.
5Ipapo achataura kwavari pakutsamwa kwake,
Nokuvavhundusa pahasha dzake huru;
6“Kunyange zvakadaro ini ndakagadza
mambo wangu paZioni,
iro gomo rangu dzvene.”
7Ndichaparidza chirevo, chinoti,
“Jehovha akati kwandiri, ‘Ndiwe mwanakomana wangu;
Nhasi ndakubereka.
8Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako,
Nemigumo yenyika zvive zvako.
9Muchavapwanya netsvimbo youtare;
Muchavaputsanya sehari yomuumbi.’ ”
10Zvino chivai nenjere, imi madzimambo;
Munyeverwe, imi vatongi venyika.
11Shumirai Jehovha nokutya,
Mufare muchidedera.
12Tsvodai mwanakomana, arege kutsamwa,
mufire panzira,
Nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka.
Vakakomborerwa vose vanovimba naye.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 2: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002