Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 1

1
Bhuku 1
(Mapisarema 1—41)
Kufara kwavanoda Mwari, nokusafara kwavasingadi Mwari
1Akakomborerwa munhu asingafambi
panorangana vakaipa,
Asingamiri panzira yavatadzi,
Asingagari panogara vadadi.
2Asi anofarira murayiro waJehovha;
Anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.
3Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,
Anobereka michero yawo nenguva yawo,
Mashizha awo haasvavi;
Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.
4Vakaipa havana kudaro;
Asi vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.
5Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa,
Navatadzi paungano yavakarurama.
6Nokuti Jehovha anoziva nzira yavakarurama;
Asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 1: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda