Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 18:27-39

Mapisarema 18:27-39 SNA2002

Nokuti muchaponesa vanhu vanotambudzika; Asi muchaderedza meso avanozvikudza. Nokuti imi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu. Nokuti nemi ndichavamba hondo, Kana ndina Mwari wangu ndichadarika rusvingo. Kana ari Mwari, nzira yake yakakwana kwazvo; Shoko raJehovha rakaidzwa; Ndiye nhoo yavose vanovimba naye. Nokuti ndianiko Mwari, asi iye Jehovha? Ndianiko dombo, asi iye Mwari wedu? Iye Mwari, anondisunga chiuno nesimba, Anokwanisa nzira yangu. Anoita tsoka dzangu dzive setsoka dzenondokadzi, Anondiisa pamatunhu angu akakwirira. Anodzidzisa maoko angu kurwa; Naizvozvo maoko angu anowembura huta hwendarira. Makandipawo nhoo yokuponesa kwenyu; Ruoko rwenyu rworudyi rwakanditsigira, Uye unyoro hwenyu hwakandiita mukuru. Makandiitira nzvimbo yakafarikana pandingatsika; Uye tsoka dzangu hadzina kutedzemuka. Ndichateverera vavengi vangu nokuvabata. Handingadzokizve kusvikira vapedzwa. Ndichavabaya, vakoniwe kusimuka; Vachawira pasi petsoka dzangu. Nokuti makandisunga chiuno nesimba rokurwa naro; Makandikundisa vaindimukira.