Ushe hwenyu ndihwo ushe husingaperi, Noumambo hwenyu huchagara nokusingaperi. Jehovha anotsigira vose vanowa, Anosimudza vose vakakotamiswa pasi. Meso avose anotarira kwamuri; Munovapa zvokudya zvavo panguva yakafanira. Munotadzanura ruoko rwenyu, Ndokugutisa zvipenyu zvose. Jehovha akarurama panzira dzake dzose, Anenyasha pazvose zvaanoita. Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, Vose vanodana kwaari nezvokwadi. Achaitira vanomutya sezvavanoda; Achanzwawo kudanidzira kwavo; ndokuvaponesa. Jehovha anochengeta vose vanomuda; Asi vakaipa achavaparadza vose. Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha; Vanhu vose ngavarumbidze zita rake dzvene nokusingaperi-peri.
Verenga chikamu Mapisarema 145
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 145:13-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo