Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 124

124
Murwiri waIsiraeri ngaarumbidzwe
Rwiyo rworwendo; rwaDhavhidhi
1Dai Jehovha asaiva nesu, Isiraeri ngavadaro;
2Dai Jehovha asaiva nesu,
Panguva yatakamukirwa navanhu;
3Vangadai vakatimedza tiri vapenyu,
Panguva yatakamukirwa nehasha dzavo;
4Mvura zhinji ingadai yakatifukidza,
Rwizi rungadai rwakapfuura
napamusoro pomweya wedu.
5Mvura zhinji, inozvikudza, ingadai
yakapfuura napamusoro pomweya wedu.
6Jehovha ngaarumbidzwe,
Iye asina kutiisa kuti tiparadzwe nameno avo.
7Mweya wedu wapukunyuka seshiri
parugombe rwomuteyi weshiri;
Rugombe rwadambuka, isu tapukunyuka.
8Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha,
Akaita kudenga napasi.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 124: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda