Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 123

123
Tarirai kuna Jehovha, muvimbe naye
Rwiyo rworwendo.
1Ndinosimudzira meso angu kwamuri,
Iyemi, munogara kudenga.
2Tarirai, meso avaranda sezvaanotarira
ruoko rwatenzi wavo,
Uye meso omurandakadzi sezvaanotarira
ruoko rwatenzikadzi wake;
Saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha
Mwari wedu,
Kusvikira atinzwira nyasha.
3Tinzwirei nyasha, Jehovha,
tinzwirei nyasha;
Nokuti tapera kwazvo nokuzvidzwa.
4Mweya wedu wapera chose
Nokushora kwavanogara havo zvakanaka,
Uye noruzvidzo rwavanozvikudza.

Zvasarudzwa nguva ino

Mapisarema 123: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda