Maoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu. Vanokutyai vachandiona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu. Ndinoziva, Jehovha, kuti zvamakatonga zvakarurama, Uye kuti makanditambudza nokutendeka. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Sezvamakareva kumuranda wenyu. Unyoro hwenyu ngauye kwandiri, kuti ndirarame; Nokuti murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Vanozvikudza ngavanyadziswe; nokuti vakandiitira zvakaipa ndisina mhosva; Asi ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, Vagoziva zvipupuriro zvenyu. Mwoyo wangu ngaururame pamitemo yenyu; Kuti ndirege kunyadziswa. Mweya wangu unopanga kuponesa kwenyu; Asi ndinotarira shoko renyu. Meso angu anopera nokutsvaka shoko renyu, Ndichiti, “Muchandinyaradza riniko?” Nokuti ndava sehombodo iri muutsi; Kunyange zvakadaro handikanganwi mitemo yenyu. Mazuva omuranda wenyu manganiko? Muchatonga riniko vanonditambudza? Vanozvikudza vakandicherera hunza, Ivo vasingatereri murau wenyu. Mirairo yenyu yose yakatendeka; Vanonditambudza ndisina mhosva; ndibatsirei imi. Vakanga voda kundiparadza pasi; Asi handina kusiya zvirevo zvenyu. Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu; Naizvozvo ndichachengeta chipupuriro chomuromo wenyu. Shoko renyu rakasimba kudenga Nokusingaperi, Jehovha. Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema; Nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu. Handingatongokanganwi zvirevo zvenyu; Nokuti makandiponesa nazvo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze; Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu. Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana, Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo. Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose. Mirairo yenyu inondiita akachenjera kupfuura vavengi vangu; Nokuti inogara neni nokusingaperi. Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa. Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndichengete shoko renyu. Handina kutsauka pane zvamatonga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mukanwa mangu! Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu! Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:73-104
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo