Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:73-104

Mapisarema 119:73-104 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Maoko enyu ndiwo akandisika akandiumba, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndidzidze mitemo yenyu. Yodi Vanokutyai vachandiona vagofara nokuti ndakatarisira mamuri. Ndinoziva kuti zvirongwa zvenyu zvakarurama, TENZI uye kuti makandirwadzisa zviri pamutemo. Ndinyaradzeiwo nemwoyochena wenyu sokutsidza kwenyu kuneni muranda wenyu. Svikai kwandiri nengoni dzenyu kuti ndirarame nokuti ndinofarira mutemo wenyu. Vanozvikudza ngavanyadziswe nokuti vakandipomera nenhema asi ini ndichanyatsofunga nezvemitemo yenyu. Vanokutyai ngavauye kwandiri kuti vazive mitemo yenyu. Dai ndikangoteerera mitemo nemwoyo wangu wose kuti ndirege kunyadziswa. Mwoyo wangu unosuwira ruponeso rwenyu shoko renyu ndiro chitarisiro changu. Kafu Ndaneta nokutarisira chitsidzo chenyu. Ndinobvunza kuti muchandinyaradza rini, nokuti ndafanana nechigubhu chewaini chamatehwe chiri muutsi asi mitemo yenyu handina kuikanganwa? Ini muranda wenyu ndinofanira kutirira kusvikira rinhiko? Muchatonga rini vanonditambudza. Vanozvikudza vakandicherera hunza vanhu vasingatevedzi mutemo wenyu. Mitemo yenyu yose yakatendeka, vanonditambudza namanyepo, ndibatsireiwo. Vavakutosvika pakuda kundiparadza panyika asi mitemo yenyu handina kuirasa. Ndiraramiseiwo nemwoyochena wenyu kuti ndichengete mitemo yomuromo wenyu. TENZI, shoko renyu rakadzika midzi kudenga nokusingaperi. Ramadhi Kutendeka kwenyu kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa makadzika nyika uye inoramba yakasimba. Nokuronga kwenyu nanhasi zvichiripo nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Pasina kutofarira murau wenyu kwandakaita, ndingadai ndakaparara munhamo dzangu. Mitemo yenyu handimboikanganwa nokuti ndiyo yamakandiraramisa nayo. Ndiri wenyu, ndiponeseiwo nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Vakaipa vanondivandira kuti vandiparadze, asi ini chandinongofunga mitemo yenyu. Ndakaona kuti hapana chisina mugumo asi mutemo wenyu ziendanakuenda risina miganhu. Hakusi kuuda ikoko kwandinoita mutemo wenyu ndiwo wandinongofunga zuva rose. Memi Mutemo wenyu unoita kuti ndive wakangwara kupinda vavengi vangu nokuti unogara uineni. Ndinotonzwisisisa kupinda vadzidzisi vangu vose nokuti mitemo yenyu ndiyo yandinongofunga. Ndinotonzwisisa kupinda vakwegura nokuti ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinozvidzora kunzira dzose dzakaipa kuitira kuti ndichengete shoko renyu. Handitsaukani nezvirevo zvenyu nokuti makandidzidzisa. Hakusi kunaka ikoko parurimi kwakaita mashoko enyu, anonaka kupinda uchi mukanwa mangu. Ndinowana kunzwisisa nemitemo yenyu naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzenhema.

Mapisarema 119:73-104 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Maoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu. Vanokutyai vachandiona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu. Ndinoziva, Jehovha, kuti zvamakatonga zvakarurama, Uye kuti makanditambudza nokutendeka. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Sezvamakareva kumuranda wenyu. Unyoro hwenyu ngauye kwandiri, kuti ndirarame; Nokuti murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Vanozvikudza ngavanyadziswe; nokuti vakandiitira zvakaipa ndisina mhosva; Asi ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, Vagoziva zvipupuriro zvenyu. Mwoyo wangu ngaururame pamitemo yenyu; Kuti ndirege kunyadziswa. Mweya wangu unopanga kuponesa kwenyu; Asi ndinotarira shoko renyu. Meso angu anopera nokutsvaka shoko renyu, Ndichiti, “Muchandinyaradza riniko?” Nokuti ndava sehombodo iri muutsi; Kunyange zvakadaro handikanganwi mitemo yenyu. Mazuva omuranda wenyu manganiko? Muchatonga riniko vanonditambudza? Vanozvikudza vakandicherera hunza, Ivo vasingatereri murau wenyu. Mirairo yenyu yose yakatendeka; Vanonditambudza ndisina mhosva; ndibatsirei imi. Vakanga voda kundiparadza pasi; Asi handina kusiya zvirevo zvenyu. Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu; Naizvozvo ndichachengeta chipupuriro chomuromo wenyu. Shoko renyu rakasimba kudenga Nokusingaperi, Jehovha. Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema; Nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu. Handingatongokanganwi zvirevo zvenyu; Nokuti makandiponesa nazvo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze; Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu. Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana, Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo. Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose. Mirairo yenyu inondiita akachenjera kupfuura vavengi vangu; Nokuti inogara neni nokusingaperi. Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa. Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndichengete shoko renyu. Handina kutsauka pane zvamatonga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mukanwa mangu! Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu! Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema.

Mapisarema 119:73-104 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Maoko enyu akandisika uye akandiumba; ndipei kunzwisisa kuti ndigodzidza mirayiro yenyu. Avo vanokutyai ngavafare pavanondiona, nokuti ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti mirayiro yenyu yakarurama, uye kuti makanditambudza mukutendeka kwenyu. Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze, maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu. Tsitsi dzenyu ngadziuye kwandiri kuti ndirarame, nokuti murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Vanozvikudza ngavanyadziswe pakundikanganisira ndisina mhaka, asi ini ndichafungisisa zvirevo zvenyu. Vanokutyai ngavadzokere kwandiri, ivo vanonzwisisa zvamakatema. Mwoyo wangu ngaushaye chaungapomerwa pamitemo yenyu, kuti ndirege kunyadziswa. Mweya wangu unoziya nokuda kwekushuva ruponeso rwenyu, asi ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?” Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu. Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko? Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu. Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka. Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema. Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu. Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo. Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu! Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa.

Mapisarema 119:73-104 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Maoko enyu ndiwo akandisika akandiumba, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndidzidze mitemo yenyu. Yodi Vanokutyai vachandiona vagofara nokuti ndakatarisira mamuri. Ndinoziva kuti zvirongwa zvenyu zvakarurama, TENZI uye kuti makandirwadzisa zviri pamutemo. Ndinyaradzeiwo nemwoyochena wenyu sokutsidza kwenyu kuneni muranda wenyu. Svikai kwandiri nengoni dzenyu kuti ndirarame nokuti ndinofarira mutemo wenyu. Vanozvikudza ngavanyadziswe nokuti vakandipomera nenhema asi ini ndichanyatsofunga nezvemitemo yenyu. Vanokutyai ngavauye kwandiri kuti vazive mitemo yenyu. Dai ndikangoteerera mitemo nemwoyo wangu wose kuti ndirege kunyadziswa. Mwoyo wangu unosuwira ruponeso rwenyu shoko renyu ndiro chitarisiro changu. Kafu Ndaneta nokutarisira chitsidzo chenyu. Ndinobvunza kuti muchandinyaradza rini, nokuti ndafanana nechigubhu chewaini chamatehwe chiri muutsi asi mitemo yenyu handina kuikanganwa? Ini muranda wenyu ndinofanira kutirira kusvikira rinhiko? Muchatonga rini vanonditambudza. Vanozvikudza vakandicherera hunza vanhu vasingatevedzi mutemo wenyu. Mitemo yenyu yose yakatendeka, vanonditambudza namanyepo, ndibatsireiwo. Vavakutosvika pakuda kundiparadza panyika asi mitemo yenyu handina kuirasa. Ndiraramiseiwo nemwoyochena wenyu kuti ndichengete mitemo yomuromo wenyu. TENZI, shoko renyu rakadzika midzi kudenga nokusingaperi. Ramadhi Kutendeka kwenyu kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa makadzika nyika uye inoramba yakasimba. Nokuronga kwenyu nanhasi zvichiripo nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Pasina kutofarira murau wenyu kwandakaita, ndingadai ndakaparara munhamo dzangu. Mitemo yenyu handimboikanganwa nokuti ndiyo yamakandiraramisa nayo. Ndiri wenyu, ndiponeseiwo nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Vakaipa vanondivandira kuti vandiparadze, asi ini chandinongofunga mitemo yenyu. Ndakaona kuti hapana chisina mugumo asi mutemo wenyu ziendanakuenda risina miganhu. Hakusi kuuda ikoko kwandinoita mutemo wenyu ndiwo wandinongofunga zuva rose. Memi Mutemo wenyu unoita kuti ndive wakangwara kupinda vavengi vangu nokuti unogara uineni. Ndinotonzwisisisa kupinda vadzidzisi vangu vose nokuti mitemo yenyu ndiyo yandinongofunga. Ndinotonzwisisa kupinda vakwegura nokuti ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinozvidzora kunzira dzose dzakaipa kuitira kuti ndichengete shoko renyu. Handitsaukani nezvirevo zvenyu nokuti makandidzidzisa. Hakusi kunaka ikoko parurimi kwakaita mashoko enyu, anonaka kupinda uchi mukanwa mangu. Ndinowana kunzwisisa nemitemo yenyu naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzenhema.

Mapisarema 119:73-104 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Maʋoko enyu akandiita nokundisimbisa; Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu. Ʋanokutyai ʋacandiʋona ndokufara; Nokuti ndakatarira shoko renyu. Ndinoziʋa, Jehova, kuti ɀamakatoŋga ɀakarurama, Ʋuye kuti makanditambudza nokutendeka. Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze, Seɀamakareʋa kumuranda wenyu. Ʋunyoro bgenyu ŋgaʋuʋuye kwandiri, kuti ndirarame; Nokuti murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Ʋanoɀikudza ŋgaʋanyadziswe; nokuti ʋakandiitira ɀakaipa ndisinemhoȿa; Asi ndicafuŋgisisa ɀireʋo ɀenyu. Ʋanokutyai ŋgaʋadzokere kwandiri, Ʋagoziʋa ɀipupuriro ɀenyu. Mŋoyo waŋgu ŋgaururame pamitemo yenyu; Kuti ndirege kunyadziswa. Mŋeya waŋgu unopaŋga kuponesa kwenyu; Asi ndinotarira shoko renyu. Meso aŋgu anopera nokutsaka shoko renyu, Ndiciti: Mucandinyaradza riniko? Nokuti ndaʋa sehomboɗo iri muʋutsi; Kunyaŋge ɀakaɗaro handikaŋganwi mitemo yenyu. Mazuʋa omuranda wenyu maŋganiko? Mucatoŋga riniko ʋanonditambudza? Ʋanoɀikudza ʋakandicerera hunza, Iʋo ʋasiŋgatereri murau wenyu. Mirairo yenyu yose yakatendeka; Ʋanonditambudza ndisinemhoȿa; ndiɓatsirei imi. Ʋakaŋga ʋoɗa‐kundiparadza pasi; Asi handina‐kusiya ɀireʋo ɀenyu. Ndiponesei nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu; Naiɀoɀo ndicaceŋgeta cipupuriro comuromo wenyu. Shoko renyu rakasimba kuɗeŋga Nokusiŋgaperi, Jehova. Kutendeka kwenyu kunoȿika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Ɀinoramba ɀigere nanhasi seɀamakatema; Nokuti ɀinhu ɀose ʋaranda ʋenyu. Ƌai murau wenyu usina‐kuʋa mufaro waŋgu mukuru, Ndiŋgaɗai ndakaparara neɗambudziko raŋgu. Handiŋgatoŋgokaŋganwi ɀireʋo ɀenyu; Nokuti makandiponesa naɀo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu. Ʋakaipa ʋakandigarira kuti ʋandiparadze; Asi ndicafuŋga ɀipupuriro ɀenyu. Ndakaʋona kuguma kweɀose ɀakakwana, Asi murairo wenyu mupamhi kwaɀo. Haiwa, ndinoɗa murau wenyu seiko! Ndico candinofuŋgisisa zuʋa rose. Mirairo yenyu inondiita wakacenjera kupfuʋura ʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Nokuti inogara neni nokusiŋgaperi. Ndinenjere kupfuʋura ʋadzidzisi ʋaŋgu ʋose; Nokuti ɀipupuriro ɀenyu ndiɀo ɀandinofuŋgisisa. Ndinonzwisisa kupfuʋura ʋakakwegura, Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Ndakadzora tsoka dzaŋgu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndiceŋgete shoko renyu. Handina‐kutsauka paneɀamatoŋga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mumukanwa maŋgu! Ɀirokwaɀo, anokunda ʋuci mumuromo maŋgu! Paɀireʋo ɀenyu ndinowana njere; Saka ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema.