Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu;
Asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu;
Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji,
Namakore ohupenyu, norugare.
Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya;
Uzvisungire pamutsipa wako;
Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako;
Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka
Pamberi paMwari navanhu.
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose,
Urege kusendama panjere dzako.
Umutende panzira dzako dzose,
Agoruramisa makwara ako ose.
Usazviti ndakachenjera;
Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;
Zvichava mushonga womuviri wako,
Nomwongo wamapfupa ako.
Kudza Jehovha nezvaunazvo,
Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana;
Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda,
Makate ako achapfachuka newaini itsva.
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha;
Usaneta nokuraira kwake.
Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake;
Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.
Munhu, awana uchenjeri, anomufaro,
Naiye munhu, anowana njere.
Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha;
Nokupfuma nahwo kunopfuura kupfuma nendarama.
Unokosha kupfuura korari;
Hakune pfuma yako ingaenzaniswa nahwo.
Mazuva mazhinji ohupenyu ari
muruoko rwahwo rworudyi;
Muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa.
Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza;
Makwara ahwo ose ndoorugare.
Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira;
Mumwe nomumwe anohubata anomufaro.
Jehovha akateya pasi nouchenjeri;
Wakasimbisa kudenga-denga nenjere.
Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake;
Denga rose rakadonha dova.
Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako;
Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.
Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako;
Noukomba pamutsipa wako.
Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba;
Rutsoka rwako harungagumburwi.
Kana uchivata pasi haungatyi;
Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka.
Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe,
Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika;
Nokuti Jehovha achava chivimbo chako;
Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa.
Munhu, akafanirwa, usaramba
kumuitira zvakanaka
Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.
Usati kunowokwako, “Enda, ugodzokazve,
Mangwana ndichakupa;”
Kana uchinge unazvopo.
Usafunga kuitira wokwako zvakaipa,
Zvaanogara hake newe achikutenda.
Usarwa nomunhu pasina mhosva,
Kana asina kukuitira zvakaipa.
Usagodora munhu anomanikidza;
Usatevera kunyange nomumwe wemitoo yake.
Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha;
Asi ano hukama navakarurama.
Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa;
Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama.
Kana vari vadadi, anovadadira,
Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha.
Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa;
Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa.