Akaipa anotiza kusina anodzingana naye;
Asi vakarurama vanotsunga mwoyo seshumba.
Nemhaka yokudarika kwenyika,
machinda ayo anowanda;
Asi nomumwe, ane njere nezivo,
icharamba iripo.
Munhu anoshaiwa amene, anomanikidza varombo,
Akafanana nemvura inokukura,
isingasiyi zvokudya.
Vanosiya murayiro, vanorumbidza vakaipa;
Asi vanochengeta murayiro, vanoita nharo navo.
Vanhu vakashata havanzwisisi zvakarurama;
Asi vanotsvaka Jehovha vanonzwisisa zvose.
Murombo, anofamba muzvokwadi yake,
Anopfuura asakarurama anofamba nenzira mbiri,
kunyange akapfuma.
Anochengeta murayiro, mwanakomana akachenjera;
Asi anofambidzana navanhu vana madyo,
vanonyadzisa baba vake.
Anowedzera pfuma yake nemhindu kana
nokuwedzera kusakarurama,
Anounganidzira mumwe achava netsitsi navarombo.
Anoramba kunzwa murayiro nenzeve yake,
Kunyange nomunyengetero wake anonyangadza.
Ani naani anorashisa vakarurama
vafambe nenzira yakaipa,
Achawira amene mugomba rake;
Asi vakarurama vachagara nhaka yezvakanaka.
Mupfumi anoti ndakachenjera;
Asi murombo, ane njere, anomuferefeta.
Kana vakarurama vachikunda, mufaro mukuru uriko;
Asi kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda.
Anofukidza kudarika kwake,
haangavi nomufaro;
Asi anozvireurura, achizvirasha,
achawana nyasha.
Munhu anogara achitya, anomufaro;
Asi anoomesa mwoyo wake,
achawira munjodzi.