Zvirevo 28:1-14
Zvirevo 28:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa, asi vakarurama vakashinga seshumba. Kana nyika ikapanduka, inova navatungamiri vakawanda, asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo. Mutongi anomanikidza varombo akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa. Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa, asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa. Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira, asi avo vanotsvaka Jehovha vanozvinzwisisa kwazvo. Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama pane mupfumi ane nzira dzakatsauka. Uyo anochengeta murayiro mwanakomana akachenjera, asi anofambidzana navanhu vane madyo anonyadzisa baba vake. Uyo anowedzera pfuma yake nokutengesa nomutengo uri pamusoro-soro, anozviunganidzira mumwe, uyo anozonzwira varombo tsitsi. Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake, kunyange minyengetero yake inonyangadza. Uyo anotungamirira vakarurama panzira yakaipa, achawira mumuteyo wake pachake, asi vasina mhosva vachagamuchira nhaka yakanaka. Munhu akapfuma angazviti akachenjera pakuona kwake, asi murombo ane njere anomuonorora. Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru; asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda. Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri, asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha. Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha, asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.
Zvirevo 28:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akaipa anotiza kusina anodzingana naye; Asi vakarurama vanotsunga mwoyo seshumba. Nemhaka yokudarika kwenyika, machinda ayo anowanda; Asi nomumwe, ane njere nezivo, icharamba iripo. Munhu anoshaiwa amene, anomanikidza varombo, Akafanana nemvura inokukura, isingasiyi zvokudya. Vanosiya murayiro, vanorumbidza vakaipa; Asi vanochengeta murayiro, vanoita nharo navo. Vanhu vakashata havanzwisisi zvakarurama; Asi vanotsvaka Jehovha vanonzwisisa zvose. Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura asakarurama anofamba nenzira mbiri, kunyange akapfuma. Anochengeta murayiro, mwanakomana akachenjera; Asi anofambidzana navanhu vana madyo, vanonyadzisa baba vake. Anowedzera pfuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama, Anounganidzira mumwe achava netsitsi navarombo. Anoramba kunzwa murayiro nenzeve yake, Kunyange nomunyengetero wake anonyangadza. Ani naani anorashisa vakarurama vafambe nenzira yakaipa, Achawira amene mugomba rake; Asi vakarurama vachagara nhaka yezvakanaka. Mupfumi anoti ndakachenjera; Asi murombo, ane njere, anomuferefeta. Kana vakarurama vachikunda, mufaro mukuru uriko; Asi kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda. Anofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; Asi anozvireurura, achizvirasha, achawana nyasha. Munhu anogara achitya, anomufaro; Asi anoomesa mwoyo wake, achawira munjodzi.
Zvirevo 28:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akaipa anotiza pasina anomudzingirira asi vakarurama vane chivindi kunge shumba. Munyika mukapandukwa vatongi vanowanda asi kana muine munhu anonzwisisa ane ruzivo inoenderera mberi yakatsiga. Murombo anodzvinyirira vamwe varombo zvakaipa imvura inopurana zvayo isina chokudya chainosiya. Vanoramba mutemo vanorumbidza vaipi asi vanochengeta mutemo vari kutorwisana navo. Vaipi havanzwisisi ruenzaniso asi vanotsvaka Tenzi vanonyatsorunzwisisa. Zviri nani kuva murombo ari pachokwadi pane mupfumi ane tsika dzakanzvongama. Mwana anochengeta mutemo ano ungwaru, anoshamwaridzana nemharadzi dzevana anonyadzisa baba vake. Munhu anowanziridza upfumi hwake nechimbadzo kana kungowedzerawo anounganidzira munhu ane tsiye nyoro kuvarombo. Kana munhu aisa zvimiti munzeve kumutemo kunyange munamato wake unosemesa. Munhu anotsautsira mururami kunzira yakaipa anowira mugomba rake asi vanhu vasina mhaka vachawana nhaka yakanaka. Mupfumi anozviona semungwaru asi murombo anonzwisisa anomubata zvaari. Kana vakarurama vakakunda, kunopemberwa vakaipa vakawana chinzvimbo chapamusoro vanhu vanozvivanza. Munhu anoviga unyangadzi hwake haabudiriri, asi anoreurura achisiyana nazvo anonzwirwa tsitsi. Akakomborerwa zvake munhu ane kakuzeza nguva dzose asi munhu anoomesa mwoyo achapinda nhamo.
Zvirevo 28:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaipa unotiza kusinaunodziŋgana naye; Asi ʋakarurama ʋanotsuŋga mŋoyo seshumba. Nemhaka yokuɗarika kwenyika, macinda ayo anowanda; Asi nomumŋe, unenjere neziʋo, icaramba iri’po. Munhu unoshaiwa amene, unomanikidza ʋarombo, Wakafanana nemvura inokukura, isiŋgasiyi ɀokudya. Ʋanosiya murairo, ʋanorumbidza ʋakaipa; Asi ʋanoceŋgeta murairo, ʋanoita nharo naʋo. Ʋanhu ʋakashata haʋanzwisisi ɀakarurama; Asi ʋanotȿaka Jehova ʋanonzwisisa ɀose. Murombo, unofamba muɀokwaɗi yake, Unopfuʋura usakarurama unofamba nenzira mbiri, kunyaŋge akafuma. Unoceŋgeta murairo, mŋanakomana wakacenjera; Asi unofambidzana naʋanhu ʋanamadyo, unonyadzisa ɓaɓa ʋake. Unowedzera fuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama, Unoʋuŋganidzira mumŋe, ucaʋa netsitsi naʋarombo. Unoramba kunzwa murairo nenzeʋe yake, Kunyaŋge nomunyeŋgetero wake unonyaŋgadza. Aninani unorashisa ʋakarurama ʋafambe nenzira yakaipa, Ucawira amene mugomba rake; Asi ʋakarurama ʋacagara nhaka yeɀakanaka. Mufumi unoti ndakacenjera; Asi murombo, unenjere, unomuferefeta. Kana ʋakarurama ʋacikunda, mufaro mukuru uri’ko; Asi kana ʋakaipa ʋosimba, ʋanhu ʋoʋanda. Unofukidza kuɗarika kwake, haaŋgaʋi nomufaro; Asi unoɀireʋurura, aciɀirasha, ucawana nyasha. Munhu unogara acitya, unomufaro; Asi unowomesa mŋoyo wake, ucawira munjodzi.
Zvirevo 28:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)