Wakaipa unotiza kusinaunodziŋgana naye;
Asi ʋakarurama ʋanotsuŋga mŋoyo seshumba.
Nemhaka yokuɗarika kwenyika, macinda ayo anowanda;
Asi nomumŋe, unenjere neziʋo, icaramba iri’po.
Munhu unoshaiwa amene, unomanikidza ʋarombo,
Wakafanana nemvura inokukura, isiŋgasiyi ɀokudya.
Ʋanosiya murairo, ʋanorumbidza ʋakaipa;
Asi ʋanoceŋgeta murairo, ʋanoita nharo naʋo.
Ʋanhu ʋakashata haʋanzwisisi ɀakarurama;
Asi ʋanotȿaka Jehova ʋanonzwisisa ɀose.
Murombo, unofamba muɀokwaɗi yake,
Unopfuʋura usakarurama unofamba nenzira mbiri, kunyaŋge akafuma.
Unoceŋgeta murairo, mŋanakomana wakacenjera;
Asi unofambidzana naʋanhu ʋanamadyo, unonyadzisa ɓaɓa ʋake.
Unowedzera fuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama,
Unoʋuŋganidzira mumŋe, ucaʋa netsitsi naʋarombo.
Unoramba kunzwa murairo nenzeʋe yake,
Kunyaŋge nomunyeŋgetero wake unonyaŋgadza.
Aninani unorashisa ʋakarurama ʋafambe nenzira yakaipa,
Ucawira amene mugomba rake;
Asi ʋakarurama ʋacagara nhaka yeɀakanaka.
Mufumi unoti ndakacenjera;
Asi murombo, unenjere, unomuferefeta.
Kana ʋakarurama ʋacikunda, mufaro mukuru uri’ko;
Asi kana ʋakaipa ʋosimba, ʋanhu ʋoʋanda.
Unofukidza kuɗarika kwake, haaŋgaʋi nomufaro;
Asi unoɀireʋurura, aciɀirasha, ucawana nyasha.
Munhu unogara acitya, unomufaro;
Asi unowomesa mŋoyo wake, ucawira munjodzi.