Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 26:1-16

Zvirevo 26:1-16 SNA2002

Sezvakaita chando muzhizha, uye sezvakaita mvura mukucheka, Saizvozvo kukudzwa hakufaniri benzi. Sezvinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyenganyenga pakubhururuka kwayo, Saizvozvo kutuka pasina mhosva hakuitiki. Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro, Neshamhu musana wamapenzi. Usapindura benzi noupenzi hwaro, Kuti urege kufanana naro. Pindura benzi noupenzi hwaro, Kuti rirege kuti rakachenjera. Anotuma shoko noruoko rwebenzi, Unozvigura tsoka, nokunwa kutambudzika. Makumbo echirema anongoremberera; Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. Somunhu anosungira ibwe pachifuramabwe, Ndizvo zvakaita iye anokudza benzi. Sezvinoita minzwa muruoko rwomukariri wedoro, Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. Somufuri wemiseve, anofura zvose, Ndizvo zvakaita munhu anosevenzesa benzi neanosevenzesa vafambi. Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro. Unoona munhu anoti ndakachenjera here? Benzi riri nani kuna iye! Simbe inoti, “Kune shumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha.” Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndizvo zvinoita simbe panhoo dzayo. Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo. Simbe inozviti ndakachenjera Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere.

Verenga chikamu Zvirevo 26