Zvirevo 26:1-16
Zvirevo 26:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Sezvakaita chando muzhizha, uye sezvakaita mvura mukucheka, Saizvozvo kukudzwa hakufaniri benzi. Sezvinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyenganyenga pakubhururuka kwayo, Saizvozvo kutuka pasina mhosva hakuitiki. Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro, Neshamhu musana wamapenzi. Usapindura benzi noupenzi hwaro, Kuti urege kufanana naro. Pindura benzi noupenzi hwaro, Kuti rirege kuti rakachenjera. Anotuma shoko noruoko rwebenzi, Unozvigura tsoka, nokunwa kutambudzika. Makumbo echirema anongoremberera; Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. Somunhu anosungira ibwe pachifuramabwe, Ndizvo zvakaita iye anokudza benzi. Sezvinoita minzwa muruoko rwomukariri wedoro, Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. Somufuri wemiseve, anofura zvose, Ndizvo zvakaita munhu anosevenzesa benzi neanosevenzesa vafambi. Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro. Unoona munhu anoti ndakachenjera here? Benzi riri nani kuna iye! Simbe inoti, “Kune shumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha.” Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndizvo zvinoita simbe panhoo dzayo. Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo. Simbe inozviti ndakachenjera Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere.
Zvirevo 26:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sechando muzhizha kana mvura pakukohwa, rukudzo haruna kufanira kubenzi. Sezvinoita kadhimba pakubhururuka kwako, kana nyenganyenga pakubhururuka kwayo somuseve, saizvozvowo kutuka pasina mhosva hakuna zvakunoita. Tyava yakaitirwa bhiza, matomu akaitirwa mbongoro, uye shamhu musana webenzi! Usapindura benzi maererano noupenzi hwaro, kana kuti iwe pachako uchafanana naro. Pindura benzi maererano noupenzi hwaro, kuti rirege kuona sokuti rakachenjera. Sokuzvigura tsoka kana kunwa bongozozo, ndizvo zvakaita kutumira shoko noruoko rwebenzi. Samakumbo echirema akangorembera ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. Sokusungira ibwe pachipfuramabwe ndizvo zvakaita kupa rukudzo kubenzi. Segwenzi reminzwa riri muruoko rwechidhakwa, ndizvo zvakaita chirevo chiri mumuromo webenzi. Somuwemburi weuta anopfura pose pose, ndizvo zvakaita anoshandirwa nebenzi kana nomupfuuri zvake. Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, ndizvo zvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro. Unoona munhu anozviti akachenjera pakuona kwake here? Benzi rinotova netariro kupfuura iye. Simbe inoti, “Kune shumba kunzira, shumba inotyisa iri kufamba-famba munzira dzomumusha!” Segonhi rinotenderera pamahinji aro, ndizvo zvinoita simbe pamubhedha wayo. Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro; inoita usimbe hwokutadza kurudzosera kumuromo wayo. Simbe inozviti yakachenjera pakuona kwayo kupfuura vanhu vanomwe vanopindura nenjere.
Zvirevo 26:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Sezvakaita chando muzhizha, uye sezvakaita mvura mukucheka, Saizvozvo kukudzwa hakufaniri benzi. Sezvinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyenganyenga pakubhururuka kwayo, Saizvozvo kutuka pasina mhosva hakuitiki. Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro, Neshamhu musana wamapenzi. Usapindura benzi noupenzi hwaro, Kuti urege kufanana naro. Pindura benzi noupenzi hwaro, Kuti rirege kuti rakachenjera. Anotuma shoko noruoko rwebenzi, Unozvigura tsoka, nokunwa kutambudzika. Makumbo echirema anongoremberera; Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. Somunhu anosungira ibwe pachifuramabwe, Ndizvo zvakaita iye anokudza benzi. Sezvinoita minzwa muruoko rwomukariri wedoro, Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. Somufuri wemiseve, anofura zvose, Ndizvo zvakaita munhu anosevenzesa benzi neanosevenzesa vafambi. Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro. Unoona munhu anoti ndakachenjera here? Benzi riri nani kuna iye! Simbe inoti, “Kune shumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha.” Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndizvo zvinoita simbe panhoo dzayo. Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo. Simbe inozviti ndakachenjera Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere.
Zvirevo 26:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Benzi harikodzeri kukudzwa sezvakangoita kuwana chando pazhizha kana mvura yokunaya pachirimo. Sokubhabhama kunoita shiri uye sokubhururuka kunoita nyenganyenga ndozvakaita kurengerera rushambwa pasina chikonzero, hakubatirire. Bhiza rinoda tyava mbongoro inoda matomhu musana webenzi unoda shamhu. Usapindure benzi sebenzi ungadaro ukafanana naro. Pindura benzi maererano noupenzi hwaro kuti rirege kuzvitutumadza serakangwara. Kutumira shoko nebenzi unopera tsoka uye kutozviparira. Sezvakangoita makumbo echirema anongorembera zvawo ndozvakangoita tsumo pamuromo pebenzi. Kuremekedza benzi kwangofanana nokuisa dombo murekeni. Sezvakangoita munzwa mumaoko echidhakwa ndozvakaita tsumo mumuromo webenzi. Kupinza benzi basa kwakaipa kupinda kupinza basa mupfuuri nenzira. Zvakangoita imbwa inodya marutsi ayo ndozvakaita benzi rinodzokorora upenzi hwaro. Wakamboona here munhu anozviti pachake iye mungwaru? Benzi riri nani pane munhu iyeyo. Nyope inoti munzira mune shumba mumugwagwa mune mhondoro. Gonhi rinotenderera pamahinjisi aro ndozvinoita tsimbe pauriri hwayo. Nyanungo anoti ruoko mundiro tindindindi achizoita nungo dzokurudzorera kumuromo. Tsimbe inozviona seyakangwara kupinda vanhu vanomwe vanokwanisa kupindura zvino musoro.
Zvirevo 26:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Seɀakaita cando muzhezha, ʋuye seɀakaita mvura mukuceka, Saiɀoɀo kukudzwa hakufaniri ɓenzi. Seɀinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyeŋganyeŋga pakubururuka kwayo, Saiɀoɀo kutuka pasinemhoȿa hakuitiki. Tyaʋa yakaitirwa biza, namatomu mboŋgoro, Neshamhu musana wamapenzi. Usapindura ɓenzi noʋupenzi bgaro, Kuti urege kufanana naro. Pindura ɓenzi noʋupenzi bgaro, Kuti rirego‐ti rakacenjera. Unotuma shoko noruʋoko rweɓenzi, Unoɀigura tsoka, nokunwa kutambudzika. Makumbo ecirema anoŋgoremberera; Ndiɀo ɀakaita cireʋo mumuromo weɓenzi. Somunhu unosuŋgira ibge pacifuramabge, Ndiɀo ɀakaita iye unokudza ɓenzi. Seɀinoita minzwa muruʋoko rwomukariri weɗoro, Ndiɀo ɀakaita cireʋo mumuromo weɓenzi. Somufuri wemiseʋe, unofura ɀose, Ndiɀo ɀakaita munhu unoseʋenzesa ɓenzi nounoseʋenzesa ʋafambi. Sembga inodzokera kumarutsi ayo, Ndiɀo ɀakaita ɓenzi rinopamhidza ʋupenzi bgaro. Unoʋona munhu unoti ndakacenjera here? Ƃenzi riri nani kunaiye. Simbe inoti: Kuneshumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha. Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndiɀo ɀinoita simbe panhoʋo dzayo. Simbe inopinza ruʋoko rwayo mundiro, Inoʋusimbe kurudzosera ɀe kumuromo wayo. Simbe inoɀiti ndakacenjera Kupfuʋura ʋanhu ʋanomŋe ʋanogona kupindura nenjere.
Zvirevo 26:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)