Seɀakaita cando muzhezha, ʋuye seɀakaita mvura mukuceka, Saiɀoɀo kukudzwa hakufaniri ɓenzi. Seɀinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyeŋganyeŋga pakubururuka kwayo, Saiɀoɀo kutuka pasinemhoȿa hakuitiki. Tyaʋa yakaitirwa biza, namatomu mboŋgoro, Neshamhu musana wamapenzi. Usapindura ɓenzi noʋupenzi bgaro, Kuti urege kufanana naro. Pindura ɓenzi noʋupenzi bgaro, Kuti rirego‐ti rakacenjera. Unotuma shoko noruʋoko rweɓenzi, Unoɀigura tsoka, nokunwa kutambudzika. Makumbo ecirema anoŋgoremberera; Ndiɀo ɀakaita cireʋo mumuromo weɓenzi. Somunhu unosuŋgira ibge pacifuramabge, Ndiɀo ɀakaita iye unokudza ɓenzi. Seɀinoita minzwa muruʋoko rwomukariri weɗoro, Ndiɀo ɀakaita cireʋo mumuromo weɓenzi. Somufuri wemiseʋe, unofura ɀose, Ndiɀo ɀakaita munhu unoseʋenzesa ɓenzi nounoseʋenzesa ʋafambi. Sembga inodzokera kumarutsi ayo, Ndiɀo ɀakaita ɓenzi rinopamhidza ʋupenzi bgaro. Unoʋona munhu unoti ndakacenjera here? Ƃenzi riri nani kunaiye. Simbe inoti: Kuneshumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha. Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndiɀo ɀinoita simbe panhoʋo dzayo. Simbe inopinza ruʋoko rwayo mundiro, Inoʋusimbe kurudzosera ɀe kumuromo wayo. Simbe inoɀiti ndakacenjera Kupfuʋura ʋanhu ʋanomŋe ʋanogona kupindura nenjere.
Verenga chikamu Ɀireʋo 26
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 26:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo