Kana ukagara pakudya pamwechete nomubati, Cherekedza zvakanaka zviri pamberi pako; Uzvigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo Usapanga zvinozipa zvake, Nokuti zvokudya izvo zvinonyengedzera. Usazvinetsa kuwana pfuma; Rega huchenjeri hwako. Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo pfuma inozviitira mapapiro, Segondo rinobhururukira kudenga. Usadya zvokudya zvomunhu anoruchiva; Kana kupanga zvinozipa zvake. Nokuti sezvaanofunga mumwoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, “Chidya, chinwa;” Asi mwoyo wake haune hanya newe. Musuva wawadya, uchaurutsazve, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka. Usataura paunonzwika nebenzi; Nokuti richazvidza uchenjeri hwamashoko ako. Usabvisa muganho wekare; Uye usapinda paminda yenherera; Nokuti Mudzikinuri wavo ane simba; Iye uchavarwira pamhaka dzavo newe. Mwoyo wako ushingaire kudzidziswa, Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo. Usarega kuranga mwana; Nokuti kunyange ukamurova neshamhu, haangafi. Umurove neshamhu, Ugorwira mweya wake paSheori. Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wochenjera, Nomwoyo wangu uchafarawo. Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzichafarisisa, Kana miromo yako ichitaura zvinhu zvakarurama. Mwoyo wako ngaurege kugodora vatadzi; Asi utye Jehovha mazuva ose. Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo; Chawakatarira hachingaparadzwi.
Verenga chikamu Zvirevo 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 23:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo