Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 20:1-15

Zvirevo 20:1-15 SNA2002

Waini mudadi, doro mupopoti; Ani naani anobatwa nazvo, haana kuchenjera. Kuvhundusa kwamambo kwakaita sokuomba kweshumba; Anomutsamwisa, anozvitadzira hupenyu hwake. Munhu anokudzwa kana achigara kure nokukakavara; Asi benzi rimwe nerimwe rinokakavara. Simbe hairimi kana kune chando; Saka kana achitsvaka zvibereko pakucheka, hazvipo. Mano mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika; Asi munhu wenjere achaichera. Vanhu vazhinji vanowana munhu anovaitira chinhu chakanaka, Asi ndiani angawana munhu akatendeka? Munhu akarurama, anofamba muzvokwadi yake, Vana vake vanomutevera vacharopafadzwa. Mambo, anogara pachigaro chokutonga, Anodzinga zvakaipa zvose nameso ake. Ndiani angati, “Ndachenesa mwoyo wangu, Ndanatswa zvivi zvangu?” Zviidzo zvakasiyana, nezviyero zvakasiyana, Izvozvo zvose zvinonyangadza Jehovha. Kunyange nomwanakomana anozvizivisa nezvaanoita, Kana basa rake rakanaka, kana rakarurama. Nzeve, inonzwa, neziso, rinoona, Jehovha akazviita zvose. Usada hope, kuti urege kuzova murombo; Svinudza meso ako, kuti ugogutiswa nezvokudya. “Chakaipa, chakaipa!” Ndizvo zvinoreva mutengi; Asi kana woenda wozvirumbidza. Ndarama iriko, nekorari zhinji; Asi miromo yezivo ndicho chinhu chinokosha kwazvo.

Verenga chikamu Zvirevo 20