Zvirevo 20:1-15
Zvirevo 20:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Waini museki uye doro mupopoti; ani naani anotsauswa nazvo haana kuchenjera. Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba; uyo anomutsamwisa anotadzira upenyu hwake. Munhu achakudzwa kana akagara kure nokukakavara, asi benzi rimwe nerimwe rinokurumidza kupopota. Simbe hairimi mumwaka wokurima; saka panguva yokukohwa anotsvaka asi hapana chaanowana. Zvinangwa zvomwoyo womunhu imvura yakadzika, asi munhu akachenjera achaichera. Vanhu vazhinji vanoti vane rudo rusingagumi, asi munhu akatendeka angawanikwa kupiko? Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa. Kana mambo achinge agara pachigaro chake kuti atonge, anopepeta zvakaipa zvose nameso ake. Ndiani angati, “Ndakachengeta mwoyo wangu wakachena; ndakachena uye handina zvivi”? Zviereso zvakasiyana nezvipimo zvakasiyana Jehovha anozvivenga zvose. Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita, kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here. Nzeve dzinonzwa nameso anoona, Jehovha ndiye akazviita zvose zviri zviviri. Usafarira kurara kana kuti uchava murombo; svinudza meso ako ipapo uchava nezvokudya zvakawanda. “Hazvina kunaka, hazvina kunaka!” ndizvo zvinotaura mutengi; ipapo hoyo oenda achizvirumbidza pamusoro pezvaatenga. Goridhe riripo, uye matombo anokosha amarubhi azere, asi miromo inotaura zivo ndicho chinhu chinokosha chisipo.
Zvirevo 20:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Waini mudadi, doro mupopoti; Ani naani anobatwa nazvo, haana kuchenjera. Kuvhundusa kwamambo kwakaita sokuomba kweshumba; Anomutsamwisa, anozvitadzira hupenyu hwake. Munhu anokudzwa kana achigara kure nokukakavara; Asi benzi rimwe nerimwe rinokakavara. Simbe hairimi kana kune chando; Saka kana achitsvaka zvibereko pakucheka, hazvipo. Mano mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika; Asi munhu wenjere achaichera. Vanhu vazhinji vanowana munhu anovaitira chinhu chakanaka, Asi ndiani angawana munhu akatendeka? Munhu akarurama, anofamba muzvokwadi yake, Vana vake vanomutevera vacharopafadzwa. Mambo, anogara pachigaro chokutonga, Anodzinga zvakaipa zvose nameso ake. Ndiani angati, “Ndachenesa mwoyo wangu, Ndanatswa zvivi zvangu?” Zviidzo zvakasiyana, nezviyero zvakasiyana, Izvozvo zvose zvinonyangadza Jehovha. Kunyange nomwanakomana anozvizivisa nezvaanoita, Kana basa rake rakanaka, kana rakarurama. Nzeve, inonzwa, neziso, rinoona, Jehovha akazviita zvose. Usada hope, kuti urege kuzova murombo; Svinudza meso ako, kuti ugogutiswa nezvokudya. “Chakaipa, chakaipa!” Ndizvo zvinoreva mutengi; Asi kana woenda wozvirumbidza. Ndarama iriko, nekorari zhinji; Asi miromo yezivo ndicho chinhu chinokosha kwazvo.
Zvirevo 20:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Waini munyombi hwahwa mupopoti anoteteretswa nazvo haana kungwara. Hasha dzamambo dzinotyisa dzakaita sokudzvova kweshumba, anomutsa hasha dzake, anorasikirwa noupenyu hwake. Kunzvenga gakava chinhu chinoremekedzwa asi benzi riri rose, pane gakava, ndoparakadanwa rikadavira. Tsimbe hairime pakurima, pakukohwa inondotsvaka asi hapana chainowana. Zvirongwa zvepfungwa dzomunhu zvakaita semvura yakadzika asi anonzwisisa ndiye anoiteka. Vanhu vazhinji vanoparidzira kutendeka kwavo asi akatendeka chaiye ndiani angamuwane? Vakakomborerwa zvavo vana vomururami anofamba pachokwadi. Mambo anogara pachigaro chokutonga anopepeta zvakaipa namaziso ake. Ndiani angati ndine mwoyo wakachena handina mhosva yechitadzo. Kuita nezvikero zvakasiyana-siyana uye nezvipimiso zvakasiyana-siyana zvinosemesa kuna Tenzi. Kunyange mwana, anoita kuti vanhu vamuzive nezviito zvake zvingave zvakanaka kana zviri pachokwadi. Maziso anoona nenzeve dzinonzwa zvose zviri zviviri zvakaitwa naTenzi. Usaite ushamwari nehope urombo hunova hwako. Svinura maziso ako kuguta sadza kuchava kwako. Munhu anotenga anoti chakaipa, chakaipa asi akangobvapo avakuzvirova dundundu. Kune ndarama namatombo anokosha akawanda asi miromo yeruzivo chishongo chinokosha.
Zvirevo 20:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Waini muɗaɗi, ɗoro mupopoti; Aninani unoɓatwa naɀo, haana‐kucenjera. Kuvundusa kwamambo kwakaita sokuʋomba kweshumba; Unomutsamŋisa, unoɀitadzira ʋupenyu bgake. Munhu unokudzwa kana acigara kure nokukakaʋara; Asi ɓenzi rimŋe nerimŋe rinokakaʋara. Simbe hairimi kana kunecando; Saka kana acitȿaka ɀiɓereko pakuceka, haɀi’po. Mano mumŋoyo womunhu aŋgaita semvura yakadzika; Asi munhu wenjere ucaicera. Ʋanhu ʋazhinji ʋanowana munhu unoʋaitira cinhu cakanaka, Asi ndiani uŋgawana munhu wakatendeka? Munhu wakarurama, unofamba muɀokwaɗi yake, Ʋana ʋake ʋanomuteʋera ʋacaropafadzwa. Mambo, unogara pacigaro cokutoŋga, Unodziŋga ɀakaipa ɀose nameso ake. Ndiani uŋgati: Ndacenesa mŋoyo waŋgu, Ndanatswa ɀiʋi ɀaŋgu? Ɀiidzo ɀakasiyana, neɀiyero ɀakasiyana, Iɀoɀo ɀose ɀinonyaŋgadza Jehova. Kunyaŋge nomŋanakomana unoɀiziʋisa neɀaanoita, Kana ɓasa rake rakanaka, kana rakarurama. Nzeʋe, inonzwa, neziso, rinoʋona, Jehova wakaɀiita ɀose. Usaɗa hope, kuti urege kuzoʋa murombo; Ȿinudza meso ako, kuti ugogutiswa neɀokudya. Cakaipa, cakaipa! Ndiɀo ɀinoreʋa muteŋgi; Asi kana woenda woɀirumbidza. Ndarama iri’ko, nekorari zhinji; Asi miromo yeziʋo ndico cinhu cinokosha kwaɀo.
Zvirevo 20:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)