Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 20:1-15

Ɀireʋo 20:1-15 SUB1949

Waini muɗaɗi, ɗoro mupopoti; Aninani unoɓatwa naɀo, haana‐kucenjera. Kuvundusa kwamambo kwakaita sokuʋomba kweshumba; Unomutsamŋisa, unoɀitadzira ʋupenyu bgake. Munhu unokudzwa kana acigara kure nokukakaʋara; Asi ɓenzi rimŋe nerimŋe rinokakaʋara. Simbe hairimi kana kunecando; Saka kana acitȿaka ɀiɓereko pakuceka, haɀi’po. Mano mumŋoyo womunhu aŋgaita semvura yakadzika; Asi munhu wenjere ucaicera. Ʋanhu ʋazhinji ʋanowana munhu unoʋaitira cinhu cakanaka, Asi ndiani uŋgawana munhu wakatendeka? Munhu wakarurama, unofamba muɀokwaɗi yake, Ʋana ʋake ʋanomuteʋera ʋacaropafadzwa. Mambo, unogara pacigaro cokutoŋga, Unodziŋga ɀakaipa ɀose nameso ake. Ndiani uŋgati: Ndacenesa mŋoyo waŋgu, Ndanatswa ɀiʋi ɀaŋgu? Ɀiidzo ɀakasiyana, neɀiyero ɀakasiyana, Iɀoɀo ɀose ɀinonyaŋgadza Jehova. Kunyaŋge nomŋanakomana unoɀiziʋisa neɀaanoita, Kana ɓasa rake rakanaka, kana rakarurama. Nzeʋe, inonzwa, neziso, rinoʋona, Jehova wakaɀiita ɀose. Usaɗa hope, kuti urege kuzoʋa murombo; Ȿinudza meso ako, kuti ugogutiswa neɀokudya. Cakaipa, cakaipa! Ndiɀo ɀinoreʋa muteŋgi; Asi kana woenda woɀirumbidza. Ndarama iri’ko, nekorari zhinji; Asi miromo yeziʋo ndico cinhu cinokosha kwaɀo.