Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 19:15-29

Zvirevo 19:15-29 SNA2002

Usimbe hunowisira munhu pahope huru; Munhu asingabati achafa nenzara. Anochengeta murayiro, anochengeta upenyu hwake; Asi asina hanya nenzira dzake achafa. Anonzwira varombo tsitsi, anoposana naJehovha; Achamuripira basa rake rakanaka. Ranga mwanakomana wako, nokuti tariro ichipo; Usatsvaka kumuuraya. Munhu ane hasha zvikuru acharohwa; Nokuti kana uchimurwira, unongozvinyanyisa. Teerera kana uchirairirwa, unzwe kana uchidzidziswa, Kuti pashure ugova wakachenjera. Mumwoyo womunhu mune ndangariro zhinji; Asi kurairira kwaJehovha ndiko kuchamira. Munhu anodikanwa nokuda kwounyoro hwake; Murombo kurinani pamurevi wenhema. Kutya Jehovha kunoisa kuupenyu; Unako, uchavata zvakanaka, Haangavingiwi nezvakaipa. Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, isingadi kutongorudzosera kumuromo wayozve. Rova mudadi, ipapo asina mano achazvingwarira; Raira ane njere, ipapo achanzwisisa zivo. Anoitira baba vake simba, nokudzinga mai vake, Mwanakomana unonyadzisa nokuita zvinonyadza. Mwanakomana wangu, rega kuteerera kana uchidzidziswa, Kana uchida hako kutsauka pamashoko ezivo. Chapupu chisina maturo chinodada nokururama; Muromo wavakaipa unomedza zvakaipa. Kutongwa kwakagadzirirwa vadadi; Neshamhu misana yamapenzi.

Verenga chikamu Zvirevo 19