Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 4:1-19

VaFiripi 4:1-19 SNA2002

Naizvozvo, hama dzangu, vadikanwi vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo muna Ishe, vadikanwi. Ndinokumbira zvikuru Yuodhia, ndinokumbira zvikuru Sinitike, kuti vave nomwoyo mumwe muna Ishe. Hongu, newewo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paVhangeri, pamwechete naKiremenzi, navamwe vakabata basa pamwechete neni, mazita avo ari mubhuku youpenyu. Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai. Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo. Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo. Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi. Ndakafara zvikuru muna Ishe, nokuti zvino makapepukazve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashayiwa nguva. Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo. Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushayiwa. Ndingaita zvose naiye anondipa simba. Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasangana neni pakutambudzika kwangu. Munozivawo, imi vaFiripi, kuti pakutanga kweVhangeri, ndichibva Makedhonia, pakanga pasina sangano rimwe rakasangana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imi moga; nokuti napaTesaronika makanditumira kamwe, norwechipirizve, pakushayiwa kwangu. Handirevi kudaro kuti nditsvake chipo, asi ndinotsvaka chibereko chamunozofumiswa nacho. Zvino ndava nezvose, ndapfumiswa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafirodhito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sohwema hunonhuwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari. Zvino Mwari wangu achazadzisa kushayiwa kwenyu kwose papfuma yake, mukubwinya, muna Kristu Jesu.

Verenga chikamu VaFiripi 4