Naizvozvo, hama dzangu, vadikanwi vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo muna Ishe, vadikanwi.
Ndinokumbira zvikuru Yuodhia, ndinokumbira zvikuru Sinitike, kuti vave nomwoyo mumwe muna Ishe. Hongu, newewo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paVhangeri, pamwechete naKiremenzi, navamwe vakabata basa pamwechete neni, mazita avo ari mubhuku youpenyu.
Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai.
Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo. Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo. Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.
Ndakafara zvikuru muna Ishe, nokuti zvino makapepukazve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashayiwa nguva. Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.
Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushayiwa. Ndingaita zvose naiye anondipa simba.