Asi izvozvo, zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu. Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviedza marara, kuti ndiwane Kristu; ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurayiro, asi kuri kwokutenda kuna Kristu, ndiko kururama kunobva kuna Mwari nenzira yokutenda; kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusangana naye pamadambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa. Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairirako, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira. Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubayiro wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu.
Verenga chikamu VaFiripi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaFiripi 3:7-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo