VaFiripi 3:7-14
VaFiripi 3:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu. Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu. Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda. Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake, uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa. Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwana pakururama, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho chandakabatirwa naKristu Jesu. Hama dzangu, handisi kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichivavarira zviri mberi, ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.
VaFiripi 3:7-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi izvozvo, zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu. Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviedza marara, kuti ndiwane Kristu; ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurayiro, asi kuri kwokutenda kuna Kristu, ndiko kururama kunobva kuna Mwari nenzira yokutenda; kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusangana naye pamadambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa. Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairirako, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira. Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubayiro wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu.
VaFiripi 3:7-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi zvandaiona sezvine basa kwandiri, ndava kuzvitora sokutorasikirwa kwandakaita pamusana paKristu. Ichokwadi chaicho kuti ndavakuzviona zvisina basa kwandiri pamusana pechinhu chakanakisisa kwazvo chokuziva Kristu Tenzi wangu. Nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona samarara kuti ndiwane Kristu kuti ndiwanikwewo muna Kristu ndisina ururami hwangu pachangu hunobva mukuchengeta mutemo asi hunobva mukutenda kwangu muna Kristu, ururami hunobva kuna Mwari nechikonzero chechitendero ichocho. Ndinoda kuziva Kristu uye simba rokumuka kwake uyewo kuti ndigoverane naye matambudziko ndichivawo saiye murufu rwake kuti, kana zvichigoneka, ndizomukawo panomuka vakafa. Hakusi kuti ndakatowana kare izvi kana kuti ndava munhu azere paururami asi ndinongoramba ndichivavarira chete kuti ndiwane mubayiro iwoyo nokuti Kristu Jesu akandiita wake. Hama dzangu, ini handingati mubayiro iwoyo ndakatouwana kare asi chinhu chimwechete chandinoita ndechokuti, ndinokanganwa zveshure ndoramba ndichivavarira zviri mberi. Ndinoramba ndichingovavarira kusvika pakatarwa kuti ndiwane mubayiro wokumusoro unodaidzirwa naMwari muna Kristu Jesu.
VaFiripi 3:7-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi iɀoɀo, ɀaiʋa fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuɗa kwaKristu. Hoŋo, ɀirokwaɀo, ndinototi ɀinhu ɀose kurashikirwa hako nokuɗa kwokunaka kwokuziʋa Kristu Jesu, Ishe waŋgu, wandakarashikirwa neɀinhu ɀose nokuɗa kwake, ndikaɀiidza marara, kuti ndiwane Kristu; ndiwanikwe maari, ndisina‐kururama kwaŋgu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMŋari nenzira yokutenda; kuti ndimuziʋe iye, nesimba rokumuka kwake, nokusoŋgana naye pamaɗambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; kuti ɀimŋe ndiȿike pakumuka kwaʋakafa. Handiti ndatociwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshiŋgairira’ko, kuti ɀimŋe ndiciɓate, ico Kristu Jesu caakambondiɓatira. Hama dzaŋgu, ini handiti ndatociɓata, asi ndinoita cinhu cimŋe: ndinokaŋganwa ɀiri shure, ndicinanaʋira kuneɀiri mberi, ndinoshiŋgairira kunharidzano, kuti ndipiwe muɓairo wokuɗana kwaMŋari kunobva kuɗeŋga, munaKristu Jesu.
VaFiripi 3:7-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)