Ipapo Jehovha akati, “Ndakanganwira sezvawakumbira. Asi zvirokwazvo, noupenyu hwangu, uye nyika yose zvaichazara nokubwinya kwaJehovha, varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu, zvandakaita muIjipiti nomurenje, vakandiidza zvino rune gumi, vasingateereri izwi rangu, zvirokwazvo, havangaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; hakuna mumwe wavakandizvidza achaiona, asi muranda wangu Karebhu, nokuti akanga ano mumwe mweya mukati make, akanditevera nomwoyo wose, ndiye andichapinza munyika maakambopinda; ichava yavana vake.
Verenga chikamu Numeri 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Numeri 14:20-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo