Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 14:17-19

Numeri 14:17-19 SNA2002

Zvino ndinokumbira kuti simba raShe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti, Jehovha anononoka kutsamwa, ane nyasha huru, anokanganwira zvakaipa nokudarika; haangatongopembedzi munhu ane mhosva; anorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina. Ndinokumbira kuti mukanganwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Ijipiti kusvikira zvino.”

Verenga chikamu Numeri 14