Zvino Sanibharati, naTobhia, naGeshemu muArabhia, navamwe vavengi vedu vakati vaudzwa kuti ndavaka rusvingo, uye kuti takanga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyange kusvikira panguva iyo ndakanga ndichigere kutimika magonhi pamasuo;) Sanibharati naGeshemu ndokutuma shoko kwandiri, vachiti, “Uyai, tisangane panomumwe musha pabani reOno.” Asi vakanga vachida kundiitira zvakaipa. Ini ndikatuma nhume kwavari, ndichiti, “Ndinobata basa guru, saka handigoni kuburuka; basa ringamirireiko, kana ndikarega ndichiburukira kwamuri?” Vakatumira kwandiri saizvozvo kana, ndikavapindurazve saizvozvo.
Verenga chikamu Nehemiya 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nehemiya 6:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo