Nehemia 6:1-4
Nehemia 6:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhu uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo, Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vachiti, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.” Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa. Saka ndakatuma nhume kwavari nemhinduro ndichiti, “Ndine basa guru kwazvo randiri kuita, saka handigoni kuburukira kwamuri ikoko. Basa ringamirireiko ini ndichirisiya ndichimbouya kwamuri?” Vakatuma shoko rimwe chetero kwandiri runa rwose, asi ndakavapindura zvimwe chetezvo nguva dzose.
Nehemia 6:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Sanibharati, naTobhia, naGeshemu muArabhia, navamwe vavengi vedu vakati vaudzwa kuti ndavaka rusvingo, uye kuti takanga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyange kusvikira panguva iyo ndakanga ndichigere kutimika magonhi pamasuo;) Sanibharati naGeshemu ndokutuma shoko kwandiri, vachiti, “Uyai, tisangane panomumwe musha pabani reOno.” Asi vakanga vachida kundiitira zvakaipa. Ini ndikatuma nhume kwavari, ndichiti, “Ndinobata basa guru, saka handigoni kuburuka; basa ringamirireiko, kana ndikarega ndichiburukira kwamuri?” Vakatumira kwandiri saizvozvo kana, ndikavapindurazve saizvozvo.
Nehemia 6:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino pazvakasvitswa munzeve dzaSanibharati naTobhiya naGeshemu muArabhu nomunzeve dzavamwe vavengi vedu vose kuti ndakavaka rusvingo, uye kuti pakanga pasisina kana gwanza zvaro (kunyange zvazvo ndakanga ndisati ndasungirira makonhi pamisuo mikuru yeguta), Sanibharati naGeshemu, vakanditumira shoko rokuti, “Uya tisangane kune mumwe musha uri mubani reOno.” Asi zvavakanga vafunga ndezvokundikuvadza. Asi ini ndakavatumira nhume ndichiti, “Ndiri mukuita basa guru. Handikwanise kudzika ikoko. Basa ringamirireiko? Ndosiya zvangu basa ndichiuya kwamuri here?” Vakatumira shoko kwandiri nomutoo mumwechetewo kanosvika kana, ini ndikavapindurawo zvimwechetezvo.
Nehemia 6:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Sanbarati, naTobia, naGeshemi muArabia, naʋamŋe ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋakati ʋaʋudzwa kuti ndaʋaka ruȿiŋgo, ʋuye kuti takaŋga tisinokusiya pakakoromoka; (kunyaŋge kuȿikira paŋguʋa iyo ndakaŋga ndicigere kutimika magonhi pamasuʋo;) Sanbarati naGeshemi ndokutuma shoko kwandiri, ʋaciti: Ʋuyai, tisoŋgane panomumŋe musha paɓani reOno. Asi ʋakaŋga ʋaciɗa kundiitira ɀakaipa. Ini ndikatuma nhume kwaʋari, ndiciti: Ndinoɓate‐ɓasa guru, saka handigoni kuɓuruka; ɓasa riŋgamirireiko, kana ndikarirega ndiciɓurukira kwamuri? Ʋakatumira kwandiri saiɀoɀo kanna, ndikaʋapindura ɀe saiɀoɀo.
Nehemia 6:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)