Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 9:14-27

Mako 9:14-27 SNA2002

Vakati vasvika kuvadzidzi, vakaona vanhu vazhinji-zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo. Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa. Akavabvunza, akati, “Munoita nyaya neiko navo?” Mumwe wavazhinji akamupindura, akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, anomweya wembeveve. Kwose kwaanomubata, anomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda-geda meno, uye anoonda kwazvo. Ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.” Akavapindura, akati, “Haiwa, rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye kwandiri.” Vakauya naye kwaari; akati achimuona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo. Zvino akabvunza baba vake, akati, “Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira?” Akati, “Kubva pauduku hwake.” “Kazhinji wakamuwisira mumoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.” Jesu akati kwaari, “Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kuna anotenda.” Pakarepo baba vomwana vakachema, vachiti, “Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.” Zvino Jesu akati achiona vanhu vazhinji vachimhanyirana pamwechete, akarayira mweya wakaipa, akati kwauri, “Iwe, mweya wembeveve nematsi, ndinokurayira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!” Ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru, ukabuda; akafanana nomunhu akafa, nokudaro vazhinji vakati, “Afa.” Asi Jesu akabata ruoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka.

Verenga chikamu Mako 9