Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 9:14-27

Mako 9:14-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vakati vasvika kuna vamwe vadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji vakavakomberedza uye vadzidzisi vomurayiro vachiita nharo navo. Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa. Akati, “Muri kuvabvunzeiko?” Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve. Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.” Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.” Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo. Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?” Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake. Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.” Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.” Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!” Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.” Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.” Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akakwanisa kumira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 9

Mako 9:14-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Vakati vasvika kuvadzidzi, vakaona vanhu vazhinji-zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo. Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa. Akavabvunza, akati, “Munoita nyaya neiko navo?” Mumwe wavazhinji akamupindura, akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, anomweya wembeveve. Kwose kwaanomubata, anomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda-geda meno, uye anoonda kwazvo. Ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.” Akavapindura, akati, “Haiwa, rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye kwandiri.” Vakauya naye kwaari; akati achimuona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo. Zvino akabvunza baba vake, akati, “Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira?” Akati, “Kubva pauduku hwake.” “Kazhinji wakamuwisira mumoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.” Jesu akati kwaari, “Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kuna anotenda.” Pakarepo baba vomwana vakachema, vachiti, “Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.” Zvino Jesu akati achiona vanhu vazhinji vachimhanyirana pamwechete, akarayira mweya wakaipa, akati kwauri, “Iwe, mweya wembeveve nematsi, ndinokurayira kuti ubve maari, urege kupindazve maari!” Ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru, ukabuda; akafanana nomunhu akafa, nokudaro vazhinji vakati, “Afa.” Asi Jesu akabata ruoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 9

Mako 9:14-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kuzoti vadzokera kuna vamwe vadzidzi, vakaona vakaunganirwa negungano guru ravanhu; nyanzvi dzoMutemo dzichiitirana nharo navo. Gungano riya rose parakangomuona rakashamiswa kwazvo, rakamhanyira kwaari, ndokumukwazisa. Jesu akavabvunza achiti, “Ko muri kuitirana nharo dzei?” Mumwe wegungano riya akamupindura achiti, “Mudzidzisi ndauya nemwanakomana wangu kwamuri ane mweya wakaipa wembeveve. Kwose kwose kwaunomubata unomuwisira pasi womupupisa furo achirumanidza mazino, obva ati papata kuoma. Zvino ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi vakoniwa.” Akavapindura achiti, “A! Rudzi rusingatendi urwu! Ndichange ndiinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Muunzei kwandiri.” Vakauya nomukomana uya kwaari, mweya pawakaona Jesu wakabva wapfurupfutisa mukomana uya, akawira pasi akaumburuka achipupa furo kumuromo. Jesu akabvunza baba vake achiti, “Ava nenguva yakadii achidai?” Ivo vakati, “Kubvira paupwere hwake. Wakamuwisira kazhinji mumoto, nomumvura uchida kumuparadza. Kana pane chamunogona kuita tinzwireiwo tsitsi mutibatsire.” Jesu akati kwaari, “Kana pane chamunogona! Zvose zvinogoneka wani kumunhu anotenda.” Pakarepo baba vomwana vakabva vadaidzira vachiti, “Ndinotenda, ndibatsireiwo pandinokundika pakusatenda kwangu.” Jesu achiona kuti gungano ravanhu rava kuti wiri–wiri kuungana, akatsiura mweya wetsvina achiti, “Iwe mweya wembeveve newematsi ndiri kukuudza kuti, ‘Buda maari, uye usazopindazve maari.’ ” Mweya ndokuzhamba, uchimupfurupfutisa ndokubuda maari; sarei mukomana oita seafa, zvokuti voruzhinji vakati afa. Asi Jesu akabata ruoko rwake achimusimudza, iye ndokubva asimuka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 9

Mako 9:14-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋakati ʋaȿika kuʋadzidzi, ʋakaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋakaʋakomba, naʋanyori ʋaciita nyaya naʋo. Pakarepo ʋazhinji ʋose ʋakati ʋacimuʋona, ʋakashamiswa kwaɀo, ʋakamhanyira kwaari, ʋakamukwazisa. Akaʋabvunza, akati: Munoita nyaya neiko naʋo? Mumŋe waʋazhinji akamupindura, akati: Mudzidzisi, ndaʋuya kwamuri nomŋanakomana waŋgu, unomŋeya wembeʋeʋe. Kwose kwaanomuɓata, unomuwisira pasi, acipupuma furo, acigeɗa‐geɗa meno, ʋuye unowonda kwaɀo; ndakataura naʋadzidzi ʋenyu kuti ʋauɓuɗise, ʋakasagona. Akaʋapindura, akati: Haiwa, rudzi rusiŋgatendi, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye kwandiri. Ʋakaʋuya naye kwaari; wakati acimuʋona, pakarepo mŋeya ukamubvundisa, akawira pasi, akakuŋguruka, acipupuma furo. Ɀino akabvunza ɓaɓa ʋake, akati: Yaʋa ŋguʋa vakaɗiniko kubvira iɀoɀi ɀicimuwira? Akati: Kubva paʋuɗuku bgake. Kazhinji wakamuwisira mumŋoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana mucigona kuita cinhu, mutinzwire tsitsi, mutiɓatsire. Jesu akati kwaari: Kana iwe ucigona kutenda, ɀose ɀiŋgaitika kunounotenda. Pakarepo ɓaɓa ʋomŋana ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ndinotenda, ndiɓatsirei pakusatenda kwaŋgu. Ɀino Jesu wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji ʋacimhanyirana pamŋe cete, akaraira mŋeya wetȿina, akati kwauri: Iwe, mŋeya wembeʋeʋe nematsi, ndinokuraira kuti ubve maari, urege kupinda ɀe maari! Ukaɗanidzira, ukamubvundisa ɀikuru, ukaɓuɗa; akafanana nomunhu wakafa, nokuɗaro ʋazhinji ʋakati: Wafa. Asi Jesu wakaɓata ruʋoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 9

Mako 9:14-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)