Mumwe wavakuru vesinagoge, wainzi Jairosi, akasvika; akati achimuona, akazviwisira pasi petsoka dzake, akakumbira zvikuru kwaari, achiti, “Mukunda wangu muduku wotandadza, uyai, muise maoko enyu pamusoro pake aporeswe, ararame.”
Akaenda naye; vanhu vazhinji vakamutevera, vachimutsikirira.
Zvino mumwe mukadzi aiva nokurwara kwokubuda ropa makore ane gumi namaviri, akanga aoneswa nhamo nevarapi vazhinji, akapedza zvose zvaakanga anazvo asina kutongobatsirwa, asi kungonyanyiswa, akati anzwa zvaJesu, akauya pakati pavanhu vazhinji vaiva mashure, akabata nguo yake. Nokuti akati, “Kana ndikabata nguo yake bedzi, ndichaponeswa.”
Pakarepo tsime rake reropa rikapwa, akanzwa pamuviri wake kuti aporeswa pakurwara kwake. Pakarepo Jesu akati achiziva mukati make kuti simba rakabuda kwaari, akatendeuka pakati pavanhu vazhinji, akati, “Ndianiko abata nguo dzangu?”
Vadzidzi vake vakati kwaari, “Munoona vanhu vazhinji vanokutsikirirai, zvino mungati seiko, ndiani andibata?”
Zvino akaringa-ringa kuti aone akaita izvozvo. Mukadzi akatya, akadedera, achiziva zvaaitirwa, akauya, ndokuzviwisira pamberi pake, ndokumuudza zvirokwazvo zvose. Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa; enda norugare, upore pakurwara kwako.”