Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 5:22-34

Mako 5:22-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino mumwe wavatungamiri vesinagogu, ainzi Jairosi akasvikapo. Pakuona kwakaita Jesu, akazviwisira patsoka dzake. Akamuteterera kwazvo achiti, “Mwanasikana wangu muduku atova kutandadza. Uyai, muise maoko enyu paari aporeswe, ararame.” Jesu akaenda naye. Gurusvusvu ravanhu rakamutevera richidzvinyirirana naye. Zvino paiva nomumwe mukadzi aiva nechirwere chebaro kwamakore gumi namaviri. Akanga aona nhamo mudzin'anga dzakawanda maaifamba, maakanga apedzera zvinhu zvake zvose asi pasina kana chiyamuro; akatenge otonyanya kurwara. Zvaakanga anzwa nezvaJesu akauya necheshure kwake, ari mukati moruzhinji, ndokusvikobata hanzu yake, nokuti aiti, “Kana ndikangobata kunyange hanzu dzake bedzi, ndichabva ndapora.” Pakarepo ropa rakabva raganhuka kubuda, akabva azvinzwa mumuviri wake kuti chirwere charapwa. Pakarepowo Jesu akabva aziva nechomumwoyo kuti simba rabuda maari; akatendeukira mukati megurusvusvu ravanhu achiti, “Ndiani abata hanzu yangu?” Ipapo vadzidzi vake vakati kwaari, “Muri kuona gurusvusvu ravanhu richidzvinyirirana nemi, asi imi moti, ‘Ndiani andibata?’ ” Akaringa–ringa achida kuona kuti akanga aita izvi ndiani. Mukadzi uya, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, zvakanga zvoti kutya, zvikati kungwenda ndokuuya ozviwisira mberi kwake omuudza chokwadi chizere. Iye ndokumuti, “Mukunda, chitendero chako chakuporesa; chienda hako norugare, uyezve chirwere chako ngachipere uve wadi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 5

Mako 5:22-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)