Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu pamusoro paJesu kuti vamuuraye, asi havana kuuwana. Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana. Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti, “Takamunzwa isu achiti, ‘Ndichaputsa temberi iyi yakavakwa namaoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namaoko.’ ” Asi kupupura kwavo kwakapesana.
Verenga chikamu Mako 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 14:55-59
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo