Mako 14:55-59
Mako 14:55-59 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vaprista vakuru namakurukota ose vakanga vachitsvaka chavangapa Jesu mhosva nacho kuitira kuti vagomuuraya, asi havana kuwana chinhu. Vazhinji vakamupupurira nhema, asi uchapupu hwavo hahuna kupindirana. Ipapo vamwe vakasimuka vakapa uchapupu hwenhema uhu pamusoro pake vachiti, “Takamunzwa achiti, ‘Ndichaparadza temberi iyi yakavakwa navanhu uye shure kwamazuva matatu ndichavaka imwe, isina kuitwa navanhu.’ ” Kunyange ipapozve uchapupu hwavo hahuna kupindirana.
Mako 14:55-59 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu pamusoro paJesu kuti vamuuraye, asi havana kuuwana. Nokuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi kupupura kwavo kwakapesana. Vamwe vakasimuka, vakamupupurira nhema, vachiti, “Takamunzwa isu achiti, ‘Ndichaputsa temberi iyi yakavakwa namaoko, ndikavaka imwe namazuva matatu, isina kuvakwa namaoko.’ ” Asi kupupura kwavo kwakapesana.
Mako 14:55-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwemhosva yavangape Jesu kuti vamuuraye. Asi vakahushaya. Nokuti vazhinji vakamupupurira zvenhema. Uchapupu hwavo hwakatadza kuwirirana. Vamwe vakasimuka vakamurevera nhema vachiti, “Takamunzwa achiti, ‘Ndichapaza Temberi iyi yakavakwa namaoko, ndigovaka, namazuva matatu, imwe isina kuvakwa namaoko.’ ” Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kuwirirana.
Mako 14:55-59 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋakatȿaka capupu pamsoro paJesu kuti ʋamuʋuraye, asi haʋana‐kuwana. Nokuti ʋazhinji ʋaimupupurira nhema, asi kupupura kwaʋo kwakapesana. Ʋamŋe ʋakasimuka, ʋakamupupurira nhema, ʋaciti: Takamunzwa isu aciti: Ndicaputsa tembere iyi yakaʋakwa namaʋoko, ndikaʋaka imŋe namazuʋa matatu, isina‐kuʋakwa namaʋoko. Asi kupupura kwaʋo kwakapesana.
Mako 14:55-59 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)