Akati achibuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!” Jesu akati kwaari, “Unoona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.”
Zvino akati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netemberi, Petirosi, naJakobho, naJohani, naAndireya vakamubvunza vari voga, vachiti, “Tiudzei kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?”
Zvino Jesu akatanga kuvaudza, akati, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.’ Kana muchinzwa zvokurwa, nenyaya yokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, ushe huchamukira ushe; kudengenyeka kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo. Ndiko kutanga kwenhamo.
“Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pamadzishe namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari. Vhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose. Kana vachienda nemi kunotongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamusirimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene. Mukoma achaisa munun'una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa. Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsunga kusvikira pakuguma achaponeswa.