Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 13:1-13

Mako 13:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Paakanga ava kubuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati, “Mudzidzisi, tarirai kukura kwakaita matombo! Iko kunaka kwedzimba!” Jesu akapindura akati, “Uri kuona dzimba huru dzose idzi? Hapana ibwe pano richasiyiwa riri pamusoro perimwe; ose achawisirwa pasi.” Jesu paakanga agere paGomo reMiorivhi pakatarisana netemberi, Petro, Jakobho, Johani naAndirea vakamubvunza vari voga vakati, “Tiudzei, kuti zvinhu izvi zvichaitika rini? Uye chii chichava chiratidzo chokuti zvose zvava pedyo nokuzozadziswa?” Jesu akati kwavari, “Chenjerai kuti kurege kuva nomunhu anokutsausai. Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji. Pamunonzwa nezvehondo uye neguhu rehondo, musavhunduka. Zvinhu zvakadaro zvinofanira kuitika, asi kuguma kuchazosvika hako. Rudzi ruchamukira rumwe rudzi, uye ushe huchamukira humwe ushe. Pachava nokudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakasiyana-siyana, uye nenzara. Izvi ndizvo zvichava kutanga kwamarwadzo okusununguka. “Munofanira kugara makarinda. Muchaendeswa kumatare mugorohwa mumasinagoge avo. Muchamira pamberi pavabati napamberi pamadzimambo nokuda kwangu, sezvapupu kwavari. Uye vhangeri rinofanira kuparidzwa kundudzi dzose. Pose pamunenge masungwa uye mamiswa pakutongwa, musatanga kufunganya pamusoro pezvamuchataura. Taurai zvose zvose zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya Mutsvene. “Mukoma achaurayisa mununʼuna, uye baba vachadarowo mwana wavo. Vana vachamukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo anotsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 13

Mako 13:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akati achibuda mutemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi, tarirai mabwe, kunaka! Nedzimba kunaka!” Jesu akati kwaari, “Unoona dzimba idzi huru? Hakungaregwi ibwe pamusoro pebwe, risingazowisirwi pasi.” Zvino akati agere pagomo reMiorivhi, pakatarisana netemberi, Petirosi, naJakobho, naJohani, naAndireya vakamubvunza vari voga, vachiti, “Tiudzei kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chichava chipiko, kana izvozvi zvose zvoda kuitwa?” Zvino Jesu akatanga kuvaudza, akati, “Chenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu, vachitsausa vazhinji.’ Kana muchinzwa zvokurwa, nenyaya yokurwa, musavhunduka; izvozvo zvinofanira kumboitika; asi kuguma kuchigere kusvika. Nokuti rudzi ruchamukira rudzi, ushe huchamukira ushe; kudengenyeka kwenyika kuchavapo kunedzimwe nzvimbo; nenzara dzichavapo. Ndiko kutanga kwenhamo. “Zvichenjerei imi, nokuti vachakuisai kumakurukota, uye mucharohwa mumasinagoge, muchaiswa pamberi pamadzishe namadzimambo nokuda kwangu, chive chapupu kwavari. Vhangeri inofanira kutanga kumboparidzirwa marudzi ose. Kana vachienda nemi kunotongwa, vachikuisai kumakurukota, musambofunganya zvamuchataura, asi taurai chamunenge mapiwa nenguva iyo. Nokuti hamusirimi munotaura, asi ndiMweya Mutsvene. Mukoma achaisa munun'una kurufu, nababa mwana wavo; navana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa. Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsunga kusvikira pakuguma achaponeswa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 13

Mako 13:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Paaibuda muTemberi, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Mudzidzisi tarisai muone kunaka kwamatombo aya nedzimba dzacho.” Jesu akamupindura achiti, “Uri kuona here mazimba mahombe aya? Hapachazosara dombo riri pamusoro perimwe, risingazokoromotserwa pasi.” Paakanga akagara pasi pagomo reMiorivhi rakatarisana neTemberi, Pita naJemusi naJohani naAndrea vakamubvunza vari pachavo vachiti, “Tiudzeiwo kuti izvi zvichaitika rini uye kuti chiratidzo chokuti zvose izvi zvava kuda kuitika chichava chei?” Ipapo Jesu akatanga kuvaudza achiti, “Chenjerai kuti murege kurasiswa naani zvake. Kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye,’ vachirasisa vazhinji. Kana monzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo musanyanye kutya. Izvi zvinofanira kuti zviitike, asi magumo anenge asati asvika. Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo; kuchava nokudengendeka kwapasi, munzvimbo dzakasiyana–siyana; kuchava nedzinzara. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka. Asi imi zvingwarirei nokuti vachakukwidzai pamatare, uye mucharohwa mumasinagogu; muchamira pamberi pavatongi namadzimambo pamusana pangu kuti chive chapupu kwavari. Shoko Rakanaka rinofanira kuti ritange raparidzwa kumarudzi ose. Kana voenda nemi, vava kundokukwidzai pamatare, musazvinetse nezvokuti muchazondotaurei; asi zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, taurai izvozvo, nokuti hamusirimi munenge motaura asi Mweya Mutsvene. Mukoma kana munun'una vachacherana kuti mumwe auraiwe, baba vachadarowo kumwana wavo, vana vachamukira vabereki vavo vachivauraisa Uye muchazovengwa navanhu vose pamusana pangu. Uyo anotsungarara kusvikira kumagumo ndiye achaponeswa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 13

Mako 13:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Wakati aciɓuɗa mutembere, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabge, kunaka! nedzimba kunaka! Jesu akati kwaari: Unoʋona dzimba idzi huru? Hakuŋgaregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi. Ɀino wakati agere pagomo reMiorivi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobo, naJohane, naAndrea ʋakamubvunza ʋari ʋoga, ʋaciti: Tiʋudzei kuti iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cicaʋa cipiko, kana iɀoɀi ɀose ɀoɗo‐kuitwa? Ɀino Jesu akataŋga kuʋaʋudza, akati: Cenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu, ʋacitsausa ʋazhinji. Kana mucinzwa ɀokurwa, neguhu rokurwa, musavunduka; iɀoɀo ɀinofanira kumboitika; asi kuguma kucigere kuȿika. Nokuti rudzi rucamukira rudzi, ʋushe bgucamukira ʋushe; kuɗeŋgenyika kwenyika kucaʋa’po kunedzimŋe nɀimbo; nenzara dzicaʋa’po. Ndiko kutaŋga kwenhamo. Ɀicenjerei imi, nokuti ʋacakuisai kumakurukota, ʋuye mucarobga mumasinagoge, mucaiswa pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, ciʋe capupu kwaʋari. NeEvaŋgeri inofanira kutaŋga kumboparidzirwa marudzi ose. Kana ʋacienda nemi kukutoŋgwa, ʋacikuisai kumakurukota, musambofuŋganya ɀamucataura, asi taurai camuneŋge mapiwa neŋguʋa iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndi Mŋeya Mutȿene. Mukoma ucaisa munuŋuna kurufu, naɓaɓa mŋana waʋo; naʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋurayisa. Mucaʋeŋgwa naʋose nokuɗa kwezita raŋgu; asi unotsuŋga kuȿikira pakuguma ucaponeswa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mako 13

Mako 13:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)