Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarisi navaHerodhi, kuti vamubate pakutaura kwake. Vakauya, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete?
“Tichatera here, kana tirege kutera?” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Munondiedzereiko? Uyai nedhenari kwandiri, ndirione.”
Vakauya naro. Ipapo akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?” Vakati kwaari, “ZvaKesari.”
Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakashamiswa zvikuru naye.
Zvino vaSadhusi vakauya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asina mwana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’ Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana. Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu akadarowo.
“Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafawo. Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, achava mukadzi waaniko? Nokuti akanga ari mukadzi wavose vanomwe.”
Jesu akati kwavari, “Hamuti makarasika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari?
“Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwanikwa; asi vakaita savatumwa kudenga. Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamuna kurava here mubhuku raMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari akataura naye, akati, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; marasika kwazvo.”
Zvino mumwe wavanyori akanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti akanga avapindura zvakanaka, akauya, akamubvunza, achiti, “Murayiro wokutanga pana yose ndoupiko?”
Jesu akapindura, akati, “Wokutanga ndiwoyu, ‘Inzwai vaIsiraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwechete! Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.’ Wechipiri ndiwoyu, ‘Ida wokwako sezvaunozvida pachako.’ Hakuna murayiro mukuru kuna iyoyi.”
Zvino munyori akati kwaari, “Zvakanaka Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwechete, hakuna mumwe kunze kwake; nokumuda iye nomwoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nokuda wokwake sezvaanozvida pachake, zvinopfuura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose, nezvibayiro.” Zvino Jesu akati achiona kuti apindura nokufunga, akati kwaari, “Hausi kure noushe hwaMwari.” Kukasava nomunhu akazotsunga kumubvunza chinhu.
Zvino Jesu akati achidzidzisa mutemberi, akapindura, akati, “Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi amene akati noMweya Mutsvene,
‘Ishe akati kuna Ishe wangu,
Gara kurudyi rwangu,
Kusvikira ndaisa vavengi
vako pasi petsoka dzako.’
“Dhavhidhi amene anoti, ‘Ishe,’ angagova mwanakomana wake seiko?” Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa.
Zvino pakudzidzisa kwake akati, “Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, nokukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nenzvimbo dzapamberi pamitambo; vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa mhosva huru inodarika yavamwe.”
Zvino akanga agere akatarisana neimba yaichengeterwa upfumi hwetemberi akatarira vanhu vazhinji vachikanda mari muzibhokisi, vapfumi vazhinji vakanga vachikanda zvizhinji.
Kukasvika chirikadzi, yaiva murombo, ikakanda tumari tuviri tuduku. Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa zvizhinji kunaavo vose vakaisa muchivigiro, nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.”