Mako 12:13-44
Mako 12:13-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo vakatuma vamwe vavaFarisi navaHerodhi kuna Jesu kuti vandomubata namashoko ake. Vakauya kwaari vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama. Imi hamutsauswi navanhu, nokuti hamuteereri kuti ndivanaani, asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Zvakanaka here kuripa mutero kuna Kesari kana kuti kwete? Tinofanira kuripa here kana kuti tinofanira kuregera?” Asi Jesu achiziva kunyengera kwavo, akati, “Seiko muchiedza kunditeya? Ndipei kuno dhenari ndirione.” Vakauya nemari yacho, iye akavabvunza akati, “Mufananidzo uyu ndowani? Uye runyoro urwu ndorwani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye kuna Mwari zvaMwari.” Uye vakashamiswa naye. Ipapo vaSadhusi, vaya vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya kwaari nomubvunzo. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womurume akafa uye akasiya mukadzi asina vana, mununʼuna wake anofanira kuwana chirikadzi iyi kuti amutsire mukoma wake vana. Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe chete vanomwe. Wokutanga akawana uye akafa akasasiya vana. Wechipiri akatora chirikadzi iya, asi naiyewo akafa, akasasiya vana. Ndizvo zvakaitikawo kuno wechitatu. Zviripo ndezvokuti, hakuna pavanomwe ava akasiya kana mwana. Pakupedzisira mukadzi akazofawo. Pakumuka kwavakafa, achava mukadzi waani, sezvo akanga akawanikwa navanomwe ava?” Jesu akapindura akati, “Hamuna kurasika here nokuda kwokusaziva Magwaro kana simba raMwari? Vakafa pavanomuka, havazowani uye havazowaniswi; vachaita savatumwa vokudenga. Zvino pamusoro pokumuka kwavakafa, hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, panhoroondo dzegwenzi raipfuta, kuti Mwari akati kwaari, ‘Ndini Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakobho’? Haazi Mwari wavakafa, asi wavapenyu. Makarasika kwazvo!” Mumwe wavadzidzisi vomurayiro akauya akavanzwa vachitaurirana. Akaona kuti Jesu akanga avapa mhinduro yakanaka, akamubvunza akati, “Pamirayiro yose, ndoupiko unonyanya kukosha?” Jesu akapindura akati, “Unonyanya kukosha, ndouyu: ‘Inzwa, iwe Israeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwe chete. Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose nokufunga kwako kwose uye nesimba rako rose.’ Wechipiri ndouyu: ‘Ida wokwako sezvaunozvida iwe.’ Hakuna murayiro mukuru kupfuura iyi.” Murume akapindura akati, “Mapindura zvakanaka, mudzidzisi. Mataura chokwadi pamataura kuti Mwari ndiye mumwe chete uye hakuna mumwe kunze kwake. Kumuda nomwoyo wako wose, nokunzwisisa kwako kwose uye nesimba rako rose, uye kuda wokwako sezvaunozvida iwe ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvipiriso zvose zvinopiswa, nezvibayiro.” Jesu akati aona kuti akanga apindura nokuchenjera, akati kwaari, “Hausi kure noumambo hwaMwari.” Uye kubvira ipapo hakuna munhu akazotsunga kumubvunza mimwezve mibvunzo. Jesu paakanga achidzidzisa ari mutemberi, akabvunza akati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi pachake achitaura noMweya Mutsvene, akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.” ’ Dhavhidhi pachake anomuti ‘Ishe.’ Zvino anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vazhinji vakateerera kwaari nomufaro. Pakudzidzisa kwake, Jesu akati, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu uye vachikwaziswa mumisika, uye kuti vave nezvigaro zvakakwirira kwazvo mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko. Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu kuti vaonekwe navanhu. Vanhu vakadai vacharangwa zvikuru kwazvo.” Jesu akagara pasi akatarisana nenzvimbo yaiiswa zvipo uye akatarisisa vanhu vazhinji vachiisa mari yavo muchivigiro chemari mutemberi. Vapfumi vazhinji vaikandamo mari zhinji. Asi chirikadzi yakasvika ikaisamo tumari tuviri tuduku. Jesu akadana vadzidzi vake kwaari, akati, “Ndinokuudzai chokwadi, chirikadzi murombo iyi yaisa mari zhinji muchivigiro kupfuura vamwe vose. Vose vapa kubva paupfumi hwavo; asi chirikadzi iyi yapa, ichitora pakushayiwa kwayo, yaisa zvose zvayanga ichifanira kurarama nazvo.”
Mako 12:13-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakatuma kwaari vamwe vavaFarisi navaHerodhi, kuti vamubate pakutaura kwake. Vakauya, vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti ndimi wazvokwadi, musingarangariri zvinoonekwa zvomunhu; hamutariri zviri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMwari nezvokwadi, munhu anotenderwa kutera mutero waKesari here, kana kwete? “Tichatera here, kana tirege kutera?” Asi iye achiziva kunyengera kwavo, akati kwavari, “Munondiedzereiko? Uyai nedhenari kwandiri, ndirione.” Vakauya naro. Ipapo akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?” Vakati kwaari, “ZvaKesari.” Jesu akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.” Vakashamiswa zvikuru naye. Zvino vaSadhusi vakauya kwaari, ivo vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti, ‘Kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asina mwana, munun'una wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake vana.’ Zvino kwakanga kuna vanakomana vomunhu mumwe vanomwe; wedangwe akatora mukadzi, akafa asina vana. Wechipiri akamutora, akafa asingasiyi vana; nowechitatu akadarowo. “Navanomwe vose havana kuva nomwana; shure kwavose mukadzi akafawo. Zvino pakumuka kwavakafa, kana vachimuka, achava mukadzi waaniko? Nokuti akanga ari mukadzi wavose vanomwe.” Jesu akati kwavari, “Hamuti makarasika here, nemhaka yokusaziva magwaro nesimba raMwari? “Nokuti kana vachimuka kuvakafa, havawani kana kuwanikwa; asi vakaita savatumwa kudenga. Kana kuri kumutswa kwavakafa, hamuna kurava here mubhuku raMosesi pashoko regwenzi, kuti Mwari akataura naye, akati, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu; marasika kwazvo.” Zvino mumwe wavanyori akanga anzwa kutaurirana kwavo, achiziva kuti akanga avapindura zvakanaka, akauya, akamubvunza, achiti, “Murayiro wokutanga pana yose ndoupiko?” Jesu akapindura, akati, “Wokutanga ndiwoyu, ‘Inzwai vaIsiraeri, Ishe Mwari wedu, ndiye Ishe mumwechete! Ida Ishe Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose, nesimba rako rose.’ Wechipiri ndiwoyu, ‘Ida wokwako sezvaunozvida pachako.’ Hakuna murayiro mukuru kuna iyoyi.” Zvino munyori akati kwaari, “Zvakanaka Mudzidzisi, mareva zvirokwazvo, kuti ndiye mumwechete, hakuna mumwe kunze kwake; nokumuda iye nomwoyo wose, nokufunga kwose, nesimba rose, nokuda wokwake sezvaanozvida pachake, zvinopfuura zvikuru zvipiriso zvose zvinopiswa chose, nezvibayiro.” Zvino Jesu akati achiona kuti apindura nokufunga, akati kwaari, “Hausi kure noushe hwaMwari.” Kukasava nomunhu akazotsunga kumubvunza chinhu. Zvino Jesu akati achidzidzisa mutemberi, akapindura, akati, “Vanyori vanoreva seiko kuti Kristu ndiye mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi amene akati noMweya Mutsvene, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ “Dhavhidhi amene anoti, ‘Ishe,’ angagova mwanakomana wake seiko?” Vazhinji-zhinji vakanga vachifara kumunzwa. Zvino pakudzidzisa kwake akati, “Chenjerai vanyori, vanoda kufamba nenguo refu, nokukwaziswa padare, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nenzvimbo dzapamberi pamitambo; vachiparadza dzimba dzechirikadzi, vachinyengetera neminyengetero mirefu. Ivava vachatongerwa mhosva huru inodarika yavamwe.” Zvino akanga agere akatarisana neimba yaichengeterwa upfumi hwetemberi akatarira vanhu vazhinji vachikanda mari muzibhokisi, vapfumi vazhinji vakanga vachikanda zvizhinji. Kukasvika chirikadzi, yaiva murombo, ikakanda tumari tuviri tuduku. Akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa zvizhinji kunaavo vose vakaisa muchivigiro, nokuti avo vose vakaisa vachitora pazvizhinji zvavo; asi iye wakaisa achitora pakushaiwa kwake, zvose zvaakanga anazvo, zvose zvaaifanira kurarama nazvo.”
Mako 12:13-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakazotuma kwaari vamwe vavaFarisei navamwe vebato rokwaHerodhi kuti vamubate mukutaura kwake. Vakasvikoti kwaari, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu ari pachokwadi, uye kuti hamunei nezvokuti uyu ndiani zvakare hamunei nezvokuti akamira sei, asi munodzidzisa gwara raMwari zviri pachokwadi. Ko, zviri pamutemo here kutera mutero kuna Siza, kana kuti kwete? Totera here kana kuti torega kutera?” Asi iye akaziva unyengedzi hwavo akati kwavari, “Ko munondiedzereiko? Ndiunzirei dhenari kuti ndirione.” Ivo ndokuriunza. Iye akavabvunza achiti, “Ko mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvani?” Ivo vakati kwaari, “NdezvaSiza.” Jesu akavati, “Ipai zvaSiza kuna Siza, zvaMwari kuna Mwari.” Vakashamiswa naye zvikuru. Kwakazouyawo vaSadhusei kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka muvafi hakuna, vakamubvunza vachiti; “Mudzidzisi, Mosesi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa achisiya mukadzi asina mwana waasiya, munun'una wake ngaagare nhaka mukadzi wake kuti amutsire mukoma wake vana. Kwaiva navakomana vanomwe, mukomanomunun'una. Dangwe ravo rakaroora mukadzi. Parakafa harina kusiya mwana. Wechipiri akatorana naye ndokufawo asina kusiya mwana kunze. Wechitatu akadarowo. Vari vanomwe kudaro havana kusiya mwana kunze. Pakupedzisira mukadzi uya akafawo. Ko zvino pakumuka kwavakafa (kana vomuka) mudzimai achazova woupi nokuti vose vari vanomwe akambova mukadzi wavo?” Jesu akati kwavari, “Hazvisizvo here zvinoita kuti murasike zvokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari? Nokuti pakumuka kwavanhu kuvafi havacharoori kana kuroorwa asi kuti vachagara savatumwa vari kudenga. Kana zviri zvokumutswa kwavakafa, hamuna kuverenga here muGwaro raMosesi paya pezvegwenzi riya, zvokuti Mwari akamutaurira achiti, ‘Ini ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho?’ Haasi Mwari wavakafa asi wavapenyu. Munokanganisa chaizvo.” Zvino mumwe wenyanzvi dzoMutemo akasvika akavanzwa vachiitirana naye nharo. Zvaakaona kuti Jesu avapindura nomazvo akamubvunza achiti, “Ko mutemo wechiposhi–poshi pane mitemo yose ndoupi?” Jesu akapindura achiti, “Mutemo wechiposhi–poshi ndouyu unoti; “ ‘Chinzwa Isiraeri, Tenzi Mwari wedu ndiye Tenzi mumwe chete oga. Uye ida Tenzi Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nepfungwa dzako dzose, nesimba rako rose.’ “Wechipiri ndouyu, “ ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ Hakuna mutemo mukuru pana iyoyi.” Zvino nyanzvi yoMutemo iya yakamuti, “Ndizvozvo chaizvo, Mudzidzisi, mataura sezvazviri kuti kuna Mwari mumwe chete, kunze kwake hakuna mumwezve. Kwouya kuti kumuda nomwoyo wose, nepfungwa dzose, nesimba rose, nokuda mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako, zvinokunda zvibayiro zvose zvechinhu chinopiswa chose zvacho nemipiro.” Jesu paakanzwa kuti apindura noungwaru akamuti, “Hausiri kure noumambo hwaMwari.” Kubva ipapo hapana naakazoshinga kumubvunza kana mumwe mubvunzo zvawo. Jesu zvaakanga achidzidzisa muTemberi akati, “Seiko nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?’ Iye Dhavhidhi pachake, afemerwa naMweya Mutsvene, akati, “ ‘Tenzi akati kuna Tenzi wangu, gara kurudyi rwangu kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ “Dhavhidhi pachake anomuti, ‘Tenzi,’ ko zvino angagova mwana wake sei?” Voruzhinji vaifarira kumuteerera. Mukudzidzisa kwake Jesu akati, “Ngwarirai nyanzvi dzoMutemo, vanhu vanoda kufamba vakapfeka magemenzi marefu nokukwaziswa navanhu pamisika. Vanodawo zvigaro zvakanaka mumasinagogu nezvigaro zvavakuru–vakuru pamabiko. Vanodya twemba dzechirikadzi, uye vanoita minamato mirefu yokungobata zvavo vanhu kumeso. Vachatemerwa chirango chakaremesesa.” Kuzoti Jesu agara pasi akatarisana nenzvimbo yaichengeterwa upfumi hweTemberi. Akaongorora uzhinji hwavanhu hwaikanda mari maichengeterwa upfumi hweTemberi. Vapfumi vazhinji vakakanda mari zhinji. Pakazosvikawo imwe chirikadzi, murombo, yakakandawo tumari tuduku tuviri twekopa twaisvitsa sendi. Jesu akadaidza vadzidzi vake ndokuti kwavari, “Zviro kwazvo ndinokuudzai kuti chirikadzi iyi murombo, yaisa, munochengeterwa upfumi hweTemberi zvinopfuura zvakandwa navamwe vose, nokuti ivo vose vaisa zvabva mune zvakawanda zvavanazvo. Asi iyo nourombo hwayo yaisa zvose zvinoiraramisa.”
Mako 12:13-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakatuma kwaari ʋamŋe ʋaʋaFarise naʋaHerode, kuti ʋamuɓate pakutaura kwake. Ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, tinoziʋa kuti ndimi waɀokwaɗi, musiŋgaraŋgariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu; hamutariri ɀiri kunze kwomunhu, asi munodzidzisa nzira yaMŋari neɀokwaɗi: Munhu Unotenderwa kuripira Kesari mutero here, kana kwete? Ticaripa here, kana tirege kuripa? Asi iye aciziʋa kunyeŋgera kwaʋo, akati kwaʋari: Munondiidzireiko? Ʋuyai nedenari kwandiri, ndiriʋone. Ʋakaʋuya naro. Ipapo akati kwaʋari: Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndeɀani? Ʋakati kwaari: ⱿaKesari. Jesu akati kwaʋari: Ipai Kesari ɀaKesari, naMŋari ɀaMŋari. Ʋakashamiswa ɀikuru naye. Ɀino ʋaSaduse ʋakaʋuya kwaari, iʋo ʋanoti hakuna‐kumuka kwaʋakafa, ʋakamubvunza ʋaciti: Mudzidzisi, Mosesi wakatinyorera kuti, kana mukoma womunhu akafa, akasiya mukadzi asinomŋana, munuŋuna wake atore mukadzi wake, amutsire mukoma wake ʋana. Ɀino kwakaŋga kunaʋanakomana ʋomunhu mumŋe ʋanomŋe; weɗaŋgwe akatora mukadzi, akafa asinaʋana. Wecipiri akamutora, akafa asiŋgasiyi ʋana; nowecitatu akaɗaro ʋo. Naʋanomŋe ʋose haʋana‐kuʋa nomŋana; shure kwaʋose mukadzi akafa ʋo. Ɀino pakumuka kwaʋakafa, kana ʋacimuka, ucaʋa mukadzi waniko kwaʋari? Nokuti wakaŋga ari mukadzi waʋose ʋanomŋe. Jesu akati kwaʋari: Hamuna‐kurashika here, nemhaka yokusaziʋa magwaro nesimba raMŋari? Nokuti kana ʋacimuka kuʋakafa, haʋawani kana kuwaniswa; asi ʋakaita saʋatumŋa kuɗeŋga. Kana kuri kumutswa kwaʋakafa, hamuna‐kuraʋa here pabuku yaMosesi pashoko regwenzi, kuti Mŋari wakataura naye, akati: Ndini Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo? Haazi Mŋari waʋakafa, asi waʋapenyu; marashika kwaɀo. Ɀino mumŋe waʋanyori wakaŋga anzwa kutaurirana kwaʋo, aciziʋa kuti wakaŋga aʋapindura ɀakanaka, wakaʋuya, akamubvunza, aciti: Murairo wokutaŋga payose ndoupiko? Jesu akapindura, akati: Wokutaŋga ndiwoyu: Inzwai ʋaIsraeri, Ishe Mŋari weɗu, ndiye Ishe mumŋe cete! Iɗa Ishe Mŋari wako, nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nokufuŋga kwako kwose, nesimba rako rose. Wecipiri ndiwoyu: Iɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe. Hakunomurairo mukuru kunaiyeyo. Ɀino munyori akati kwaari: Ɀakanaka Mudzidzisi, mareʋa ɀirokwaɀo, kuti ndiye mumŋe cete, hakunomumŋe kunze kwake; nokumuɗa iye nomŋoyo wose, nokufuŋga kwose, nesimba rose, nokuɗa wokwake seɀaanoɀiɗa iye, ɀinopfuʋura ɀikuru ɀipiriso ɀose ɀinopiswa cose, neɀiɓayiro. Ɀino Jesu wakati aciʋona kuti wapindura nokufuŋga, akati kwaari: Hauzi kure noʋushe bgaMŋari. Kukasaʋa nomunhu wakazotsuŋga kumubvunza cinhu. Ɀino Jesu wakati acidzidzisa mutembere, akapindura, akati: Ʋanyori ʋanoreʋa seiko kuti Kristu ndiye mŋanakomana waDavidi? Davidi amene wakati noMŋeya Mutȿene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndaisa ʋaʋeŋgi ʋako pasi petsoka dzako. Davidi amene unomuidza Ishe, uŋgagoʋa mŋanakomana wake seiko? Ʋazhinji‐zhinji ʋakaŋga ʋacifara kumunzwa. Ɀino pakudzidzisa kwake wakati: Cenjerai ʋanyori, ʋanoɗa kufamba neŋguʋo refu, nokukwaziswa paɗare, neɀigaro ɀapamberi mumasinagoge, nenɀimbo dzapamberi pamitambo; ʋaciparadza dzimba dzecirikadzi, ʋacinyeŋgetera neminyeŋgetero mirefu. Iʋaʋa ʋacatoŋgerwa ɀakaipa nokupfuʋurisa. Ɀino wakaŋga agere akatarisana neciʋigiro cemari, akatarira ʋanhu ʋazhinji ʋaciisa mari muciʋigiro; ʋafumi ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciisa ɀizhinji. Kukaȿika cirikadzi, waiʋa murombo, akaisa tumari tuʋiri tuɗuku tunoita fadini. Akaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Cirikadzi iyi, iri murombo, yakaisa ɀizhinji kunaaʋo ʋose ʋakaisa muciʋigiro; nokuti aʋo ʋose ʋakaisa ʋacitora paɀizhinji ɀaʋo; asi iye wakaisa acitora pakushaiwa kwake, ɀose ɀaakaŋga anaɀo, ɀose ɀaaifanira kurarama naɀo.
Mako 12:13-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)