Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 10:13-31

Mako 10:13-31 SNA2002

Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira. Zvino Jesu akati achizviona, akatsamwa, akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.” Ipapo akavafungatira mumaoko, akavaropafadza, ndokuisa maoko pamusoro pavo. Zvino akati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akapfugama pamberi pake akamubvunza, achiti, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yohupenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Anondiidzireiko wakanaka? Hakuna akanaka, asi mumwechete, iye Mwari. Mirayiro unoiziva, inoti, usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.” Akati kwaari, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.” Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari, “Unoshaiwa chinhu chimwechete; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.” Asi akasuwa kwazvo neshoko iro, ati hurududu nokuti akanga ane pfuma zhinji. Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake, “Vane pfuma vacharemerwa sei kupinda muushe hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akapindurazve, akati kwavari, “Vana, zvinorema sei kuna vanovimba nepfuma kupinda muushe hwaMwari! Ngamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.” Ipapo vakakahadzika zvikuru, vakati kwaari, “Ndianiko angagoponeswa?” Zvino Jesu akati achivatarira, akati, “Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvinobvira.” Petirosi akatanga kutaura kwaari, achiti, “Tarirai isu takasiya zvose tikakuteverai.” Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya imba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, vana, kana minda, nokuda kwangu nokweVhangeri, asingazopiwi zvine zana nenguva ino, zvedzimba vakoma navanun'una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwechete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.”

Verenga chikamu Mako 10