Mako 10:13-31
Mako 10:13-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakauya navana vaduku kwaari, kuti avanyangate; asi vadzidzi vakavaraira. Zvino Jesu akati achizviona, akatsamwa, akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndohwavakadai. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani usingagamuchiri ushe hwaMwari somwana muduku, haangatongopindi mahuri.” Ipapo akavafungatira mumaoko, akavaropafadza, ndokuisa maoko pamusoro pavo. Zvino akati achibuda kunzira, mumwe akamhanyira kwaari, akapfugama pamberi pake akamubvunza, achiti, “Mudzidzisi Wakanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka yohupenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Anondiidzireiko wakanaka? Hakuna akanaka, asi mumwechete, iye Mwari. Mirayiro unoiziva, inoti, usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.” Akati kwaari, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.” Jesu akamutarira akamuda, akati kwaari, “Unoshaiwa chinhu chimwechete; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.” Asi akasuwa kwazvo neshoko iro, ati hurududu nokuti akanga ane pfuma zhinji. Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake, “Vane pfuma vacharemerwa sei kupinda muushe hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akapindurazve, akati kwavari, “Vana, zvinorema sei kuna vanovimba nepfuma kupinda muushe hwaMwari! Ngamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.” Ipapo vakakahadzika zvikuru, vakati kwaari, “Ndianiko angagoponeswa?” Zvino Jesu akati achivatarira, akati, “Kuvanhu izvi hazvibviri, asi kuna Mwari zvinobvira.” Petirosi akatanga kutaura kwaari, achiti, “Tarirai isu takasiya zvose tikakuteverai.” Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya imba, kana vakoma kana vanun'una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, vana, kana minda, nokuda kwangu nokweVhangeri, asingazopiwi zvine zana nenguva ino, zvedzimba vakoma navanun'una, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwechete nokuvengwa, noupenyu husingaperi nenguva inouya. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokutanga.”
Mako 10:13-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Kwakazouya vamwe vanhu navana vaduku kwaari kuti aise maoko pamusoro pavo asi vadzidzi vakavarambidza. Asi Jesu paakazviona akatsamwa ndokuti kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwaMwari ndehwevakaita saivava. Chokwadi chaizvo, ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombohupinda.” Iye ndokuvafungatira mumaoko, achivakomborera, achiisa maoko ake pavari. Kuzoti ava kupinda munzira, mumwe munhu akamumhanyira ndokusvikopfugama mberi kwake omubvunza achiti, “Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akamupindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka kunze kwaMwari oga. Unoziva wani mitemo inoti; usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema, usanyengedze, remekedza baba naamai vako.” Iye akatiwo kwaari, “Mudzidzisi, yose iyi ndakaichengeta kubvira pauduku hwangu.” Jesu akamutarisa akamuda, ndokumuti, “Une chimwechete chausina; chokuti enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo, uchava noupfumi kudenga; ugouya wonditevera.” Shoko iri rakamusvibisa mwoyo akabvapo woenda akasuruvara nokuti akanga aine upfumi hwakawanda. Jesu akaringa–ringa akati kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti vanoupfumi vapinde muumambo hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa kwazvo namazwi ake. Asi Jesu akataurazve achiti kwavari, “Vakomana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari. Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Ivo vakashamiswa zvikuru kwazvo vakataurirana vachiti, “Ndiani zvino angagone kuponeswa?” Jesu akavatarisa akati, “Izvi hazvigoneki kuitwa navanhu asi naMwari. Kuna Mwari zvose zvinogoneka.” Pita ndipo pakazoti kwaari, “Tarisai muone isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai.” Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hakuna munhu akasiya musha, kana vakomanavanun'una, kana hanzvadzi, kana amai, kana baba, kana vana, kana minda pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka, asingazowana zvakapetwa kazana iye zvino munguva ino, misha, vakoma navanun'una, nehanzvadzi, nanaamai, navana, neminda pamwe nokutambudzwa panguva ino noupenyu husingaperi panguva ichauya. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisirawo vachiva vokutanga.”
Mako 10:13-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura. Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai. Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.” Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza. Jesu akati achifamba munzira, mumwe murume akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akapindura akati, “Unondiidzireiko akanaka? Hakuna munhu akanaka kunze kwaMwari oga. Mirayiro unoiziva here inoti: ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.’ ” Iye akati, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubvira ndichiri mukomana.” Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.” Anzwa izvi akasuwa kwazvo. Akaenda akasuwa, nokuti akanga ane pfuma zhinji. Jesu akatarira-tarira ndokuti kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akatizve, “Vana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari! Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vadzidzi vakanyanya kushamiswa, uye vakati pakati pavo, “Zvino ndianiko angaponeswa?” Jesu akatarisa kwavari akati, “Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari.” Petro akati kwaari, “Isu takasiya zvinhu zvose kuti tikuteverei!” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achakundikana kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanunʼuna, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi. Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga.”
Mako 10:13-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakazouya vamwe vanhu navana vaduku kwaari kuti aise maoko pamusoro pavo asi vadzidzi vakavarambidza. Asi Jesu paakazviona akatsamwa ndokuti kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri musavarambidze nokuti umambo hwaMwari ndehwevakaita saivava. Chokwadi chaizvo, ndinokuudzai kuti ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haazombohupinda.” Iye ndokuvafungatira mumaoko, achivakomborera, achiisa maoko ake pavari. Kuzoti ava kupinda munzira, mumwe munhu akamumhanyira ndokusvikopfugama mberi kwake omubvunza achiti, “Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akamupindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka kunze kwaMwari oga. Unoziva wani mitemo inoti; usauraye, usaite upombwe, usabe, usaite uchapupu hwenhema, usanyengedze, remekedza baba naamai vako.” Iye akatiwo kwaari, “Mudzidzisi, yose iyi ndakaichengeta kubvira pauduku hwangu.” Jesu akamutarisa akamuda, ndokumuti, “Une chimwechete chausina; chokuti enda undotengesa zvose zvaunazvo upe kuvarombo, uchava noupfumi kudenga; ugouya wonditevera.” Shoko iri rakamusvibisa mwoyo akabvapo woenda akasuruvara nokuti akanga aine upfumi hwakawanda. Jesu akaringa–ringa akati kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti vanoupfumi vapinde muumambo hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa kwazvo namazwi ake. Asi Jesu akataurazve achiti kwavari, “Vakomana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari. Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Ivo vakashamiswa zvikuru kwazvo vakataurirana vachiti, “Ndiani zvino angagone kuponeswa?” Jesu akavatarisa akati, “Izvi hazvigoneki kuitwa navanhu asi naMwari. Kuna Mwari zvose zvinogoneka.” Pita ndipo pakazoti kwaari, “Tarisai muone isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai.” Jesu akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hakuna munhu akasiya musha, kana vakomanavanun'una, kana hanzvadzi, kana amai, kana baba, kana vana, kana minda pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka, asingazowana zvakapetwa kazana iye zvino munguva ino, misha, vakoma navanun'una, nehanzvadzi, nanaamai, navana, neminda pamwe nokutambudzwa panguva ino noupenyu husingaperi panguva ichauya. Asi vazhinji vokutanga vachava vokupedzisira, vokupedzisirawo vachiva vokutanga.”
Mako 10:13-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakaʋuya naʋana ʋaɗuku kwaari, kuti aʋanyaŋgate; asi ʋadzidzi ʋakaʋaraira. Ɀino Jesu wakati aciɀiʋona, akatsamŋa, akati kwaʋari: Regai ʋana ʋaɗuku ʋaʋuye kwandiri, musaʋadziʋisa, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgaʋakaɗai. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Aninani usiŋgagamuciri ʋushe bgaMŋari somŋana muɗuku, haaŋgatoŋgopindi mabguri. Ipapo akaʋafuŋgatira mumaʋoko, akaʋaropafadza, ndokuisa maʋoko pamsoro paʋo. Ɀino wakati aciɓuɗa kunzira, mumŋe akamhanyira kwaari, akafugama pamberi pake akamubvunza, aciti: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi? Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna‐wakanaka, asi mumŋe cete, iye Mŋari. Mirairo unoiziʋa, inoti, usaʋuraya, usaita ʋupombge, usaɓa, usapupura nhema, usanyeŋgera, kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako. Akati kwaari: Mudzidzisi, iɀi ɀose ndakaɀiceŋgeta kubva paʋuɗuku bgaŋgu. Jesu akamutarira akamuɗa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; enda, uteŋgese ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere. Asi wakaȿiɓa mŋoyo neshoko iro, akaenda neshuŋgu, nokuti wakaŋga anefuma zhinji. Ipapo Jesu akariŋga‐riŋga, akati kuʋadzidzi ʋake: Ʋanefuma ʋacaremerwa sei kupinda paʋushe bgaMŋari! Ʋadzidzi ʋakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu wakapindura ɀe, akati kwaʋari: Ʋana, ɀinorema sei kunaʋanoʋimba nefuma kupinda paʋushe bgaMŋari! Kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri reɗumho, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari. Ipapo ʋakakahadzika ɀikuru, ʋakati kwaari: Ndianiko uŋgagoponeswa? Ɀino Jesu wakati aciʋatarira, akati: Kuʋanhu iɀi haɀibviri, asi kunaMŋari ɀinobʋira. Petro akataŋga kutaura kwaari, aciti: Tarirai isu takasiya ɀose tikakuteʋerai. Jesu akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana ʋanuŋuna, kana hanɀadzi, kana mai, kana ɓaɓa, kana ʋana, kana minda, nokuɗa kwaŋgu nokweEvaŋgeri, usiŋgazopiwi ɀinezana neŋguʋa ino, dzimba naʋanuŋuna, nehanɀadzi, namadzimai, naʋana, neminda, pamŋe cete nokuʋeŋgwa, noʋupenyu bgusiŋgaperi neŋguʋa inoʋuya. Asi ʋazhinji ʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira, noʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga.