Zvino musinagoge ravo makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa, akadanidzira, achiti, “Tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.”
Zvino Jesu akamuraira; akati, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa akamubvundisa, ndokudanidzira nezwi guru, ndokubuda kwaari. Vakatya zvikuru vose, nokudaro vakaita nyaya, vachiti, “Chinyiko ichi? Kudzidzisa kutsva kune simba! Anorayira kunyange nemweya yakaipa ikamuterera.”
Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGariria.
Pakarepo vakati vachibva musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndireya, Jakobho naJohani vanavo.
Vambuya vaSimoni vakanga vavete vachirwara nefivha; pakarepo vakamuudza izvozvo. Akaenda, akavabata noruoko, akavamutsa; fivha ikavarega, vakavashandira.
Madekwana, zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwadziwa, navakanga vakabatwa nemweya yakaipa.
Guta rose rakanga raungana pamusuo. Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi ehosha, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi akanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva.
Mangwanani kuchine rima, akamuka akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akandonyengeterapo. Simoni, navakanga vanaye, vakamutevera.
Vakamuwana, vakati kwaari, “Vose vanokutsvakai.”
Akati kwavari, “Ngatiende kumwe, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidza ikokowo, nokuti ndizvo zvandakauyira.”
Akaenda, akaparidza mumasinagoge avo muGariria rose achibudisa mweya yakaipa.
Zvino munhu aiva namaperembudzi akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, ndokupfugama pamberi pake, akati kwaari, “Kana muchida henyu, munogona kundinatsa.”
Akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Ndinoda, chinatswa.”
Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa. Zvino akamurayira kwazvo, akamuendesa pakarepo. Akati kwaari, “Chenjera kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda uzviratidze kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.”
Asi iye akabuda, akatanga kuzviudza vanhu vazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokudaro Jesu akanga asingagoni kupinda muguta pachena, asi akanga ari kunze panzvimbo murenje; vakauya kwaari vachibva kumativi ose.