“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ vachapinda muushe hwokudenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, ‘Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here?’ Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita zvishamiso zvizhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena, handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vezvisakarurama.
“Naizvozvo mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akaaita, angafananidzwa nomurume akachenjera, akavaka imba yake paruware.
“Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakavakirwa paruware. Mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, angafananidzwa nomurume benzi, akavaka imba yake pajecha. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.”
Jesu akati apedza mashoko iwaya, vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori vavo.