Mateo 7:21-29
Mateo 7:21-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’ Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’ “Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware. Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru.” Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akadzidzisa somurume aiva nesimba kwete samadzidzisiro aiitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.
Mateo 7:21-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ vachapinda muushe hwokudenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, ‘Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here?’ Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita zvishamiso zvizhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena, handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vezvisakarurama. “Naizvozvo mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akaaita, angafananidzwa nomurume akachenjera, akavaka imba yake paruware. “Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo; ikasawa, nokuti yakanga yakavakirwa paruware. Mumwe nomumwe anonzwa mashoko angu awa, akasaaita, angafananidzwa nomurume benzi, akavaka imba yake pajecha. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, madutu akavhuvhuta, zvikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.” Jesu akati apedza mashoko iwaya, vanhu vazhinji vakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori vavo.
Mateo 7:21-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Havasi vose vanonditi, ‘Tenzi Tenzi’ vachapinda muumambo hwedenga asi uyo anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Pazuva iroro, vazhinji vachanditi, ‘Tenzi Tenzi, hatina here kuporofita muzita renyu, tikadzinga mweya yakaipa muzita renyu, tikaita mabasa anoshamisa muzita renyu?’ Ipapo ndichavataurira pachena kuti handina kumbokuzivai. Ndibvirei pano imi vaiti vezvakaipa. “Naizvozvo munhu wose anonzwa mazwi angu aya achiita zvaanoreva, achave somunhu mungwaru akavakira imba yake paruware. Mvura yanaya, mafashamo akauya; dutu rikavhuvhuta richiroverera pamba iyoyo; asi haina kuwa nokuti yakanga yavakirwa paruware. Munhu wose anonzwa mazwi angu aya, asingaachengeti, akaita somurume benzi akavakira imba yake pajecha. Mvura yakanaya, mafashamo akauya. Dutu rakavhuvhuta rikaroverera paimba iyoyo ikawa, kuwa kwayo kwakava kukuru kwazvo.” Jesu paakangopedza mashoko aya gungano riya ravanhu rakashamiswa norudzidziso rwake nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba kwete senyanzvi dzavo dzomutemo.
Mateo 7:21-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haʋazi ʋose ʋanoti kwandiri, Ishe, Ishe, ʋacapinda muʋushe bgokuɗeŋga; asi unoita kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Ʋazhinji ʋacati kwandiri nezuʋa iro: Ishe, Ishe, hatina‐kuprofita muzita renyu here? Nokudziŋga mŋeya yakaipa muzita renyu here? Nokuita maɓasa esimba mazhinji muzita renyu here? Ɀino ndicaʋaʋudza pacena: Handina‐kutoŋgokuziʋai; ibvai kwandiri, imi ʋaiti ʋokusarurama. Naiɀoɀo mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akaaita, uŋgafananidzwa nomurume wakacenjera, wakaʋaka imba yake paruware. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo; ikasawa, nokuti yakaŋga yakateyiwa paruware. Mumŋe nomumŋe unonzwa mashoko aŋgu awa, akasaaita, uŋgafananidzwa nomurume ɓenzi, wakaʋaka imba yake pajeca. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikaʋuya, mitutu ikavuvuta, ikaroʋa imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukaʋa kukuru. Jesu wakati apedza mashoko iwaya, ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake; nokuti wakaŋga aciʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori ʋaʋo.
Mateo 7:21-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)