Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 6:9-15

Mateu 6:9-15 SNA2002

Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana. Mutiregererei mhosva dzedu sezvatinoregererawo vane mhosva nesu. Musatirege tichiedzwa, asi mutinunurei pane zvakaipa. (Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya, nokusingaperi. Ameni)’ Nokuti kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo Asi kana musingaregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu.

Verenga chikamu Mateu 6

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateu 6:9-15