Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 6:5-8

Mateu 6:5-8 SNA2002

“Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzemigwagwa dzomusha, kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, vapiwa mubayiro wavo. “Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda mumba mako, kana wazarira mukova wako, unyengetere kunaBaba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro. “Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji. Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari.

Verenga chikamu Mateu 6