Ava mangwana, vapristi vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamusoro paJesu kuti vamuuraye; vakamusunga, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato, aiva gavhuna.
Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akati achiona kuti atongerwa kufa, ndokuzvidya mwoyo, akadzosera mari iya makumi matatu esirivha kuvapristi vakuru navakuru vavanhu, achiti, “Ndatadza, ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakati, “Tine mhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.”
Akakandira pasi mari iya mutemberi; akabva, akaenda ndokuzvisungira.
Vapristi vakuru vakatora mari yesirivha, vakati, “Hazvina kufanira kuti ichengetwe munovigwa mari, zvauri mutengo weropa.” Vakarangana, vakatenga nawo munda womuumbi wehari kuzovigapo vatorwa.
Naizvozvo munda uyo wakanzi, “Munda weropa” kusvikira zuva ranhasi.
Zvino zvakarehwa nomuporofita Jeremiya zvakaitika, zvinoti:
“Vakatora mari yesirivha makumi matatu,
Mutengo womunhu aitengeswa,
Wakatarwa navana vaIsiraeri;
Vakatenga nawo munda womuumbi wehari,
Sezvandakarairwa naIshe.”
Zvino Jesu akamira pamberi pagavhuna, gavhuna akamubvunza, akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.” Asi akati achipomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru, haana kupindura chinhu.
Zvino Pirato akati kwaari, “Haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?”
Asi haana kuvapindura, kunyange neshoko rimwechete, gavhuna akashamiswa kwazvo-kwazvo nazvo. Zvino, pamutambo mubati aisisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe, wavanenge vaida.
Nenguva iyo vaiva nomusungwa akakurumbira, ainzi Bharabhasi.
Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi, kana Jesu, anonzi Kristu?” Nokuti akanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo.
Zvino akati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira izwi kwaari, achiti, “Usava nemhaka nomunhu uyo akarurama; nokuti ndakatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.”
Vapristi vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu aurawe.
Gavhuna akapindura, akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri?” Vakati, “Bharabhasi.”
Pirato akati kwavari, “Ndichagoiteiko naJesu, anonzi Kristu?” Vose vakati kwaari, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa.”
Iye akati, “Chakaipa chaakagoita ndecheiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa!”
Zvino Pirato, achiona kuti hazvibatsiri, asi kuti potomuka bope, akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pavanhu vazhinji, achiti, “Handine mhaka neropa romunhu uyu akarurama; imhaka yenyu!”
Vanhu vose vakapindura, vakati, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pavana vedu.”
Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa.
Zvino varwi vaPirato vakaenda naJesu mumuzinda wagavhuna hondo yose ikaunganira kwaari. Vakamubvisa nguo dzake, vakamufukidza nguo tsvuku; vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsanga muruoko rwake rworudyi; vakapfugama pamberi pake, vakamuseka, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate, vakatora rutsanga, vakaramba vachimurova musoro. Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, vakamupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.
Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, ainzi Simoni; vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake. Vakati vasvika panzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru, kuti anwe; asi akati aravira, akaramba kunwa.
Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake pakati pavo, vachikanda mijenya, (kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike, zvinoti: Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu) Vakagara, vakamurindapo. Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake, rwokuti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Vakarovera pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe.
Vakanga vachipfuura, vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, vachiti, “Iwe wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.”
Saizvozvo vapristi vakuru, navanyori navakuru, vakamuseka, vachiti, “Akaponesa vamwe; haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo wavaIsiraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, titende kwaari. Aivimba naMwari; ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa, kana achimuda; nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ”
Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, akamuzvidza saizvozvo.
Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose. Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eri, Eri, rama sabakitani?” Ndokuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?”
Vamwe vakanga vamirepo, vachinzwa, vakati, “Uyo anodana Eria.” Pakarepo mumwe wavo wakamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga, ndokuchiisa parutsanga, akamunwisa.
Vamwe vakati, “Regai, timboona kana Eria achizouya kumuponesa.”
Zvino Jesu akadanidzirazve nezwi guru, ndokubva afa.
Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka; mabwiro akazaruka, zvitunha zvizhinji zvavarurami, vakanga vavete, zvakamutswa; zvikabuda pamabwiro, iye akati amuka, vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa navazhinji.
Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”
Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure, vakanga vatevera Jesu, vachibva Gariria vachimushandira.
Pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharene, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vavanakomana vaZebhedhi.
Zvino ava madeko kukasvika mumwe mupfumi weArimatia, ainzi Josefa, akanga ari mudzidzi waJesu, akaenda kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akarayira kuti apiwe. Josefa akatora chitunha, akachiputira nomucheka muchena, akauviga mubwiro hwake hutsva, hwaakanga azvigadzirira iye; akakungurusira ibwe guru pamuromo webwiro, akabva oenda.