Mateo 27:1-60
Mateo 27:1-60 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mangwanani-ngwanani vaprista vose vakuru navakuru vavanhu vakabvumirana kuti Jesu aurayiwe. Vakamusunga, vakaenda naye vakandomuisa kuna Pirato uyo aiva mubati. Judhasi uya akanga amupandukira akati aona kuti Jesu atongerwa rufu, akazvidemba kwazvo ndokubva adzosera makumi matatu esirivha aya kuvaprista vakuru navakuru. Akasvikoti, “Ndatadza, nokuti ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakamupindura vachiti, “Zvinei nesu? Ndezvako izvo.” Saka Judhasi akakanda mari iya mutemberi akabva akaenda akandozvisungirira. Vaprista vakuru vakanhonga mari iya vakati, “Hazvitenderwi nomurayiro kuti tiise mari iyi mudura remari, sezvo iri mari yeropa.” Saka vakazotenderana kuti vaishandise kutenga munda womuumbi wehari kuti ugova nzvimbo yokuviga vatorwa. Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi. Ipapo zvakabva zvazadziswa zvakataurwa nomuprofita Jeremia zvinoti, “Vakatora makumi matatu esirivha, mutengo waakatengeswa nawo navanhu veIsraeri, uye vakaashandisa kutenga nawo munda womuumbi wehari, sokurayirwa kwandakaitwa naIshe.” Panguva iyoyo Jesu akamira pamberi pomubati, uye mubati akamubvunza achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura achiti, “Hongu, ndizvo zvamataura.” Paakapomerwa navaprista vakuru navakuru vavanhu, haana chaakapindura. Ipapo Pirato akamubvunza achiti, “Iwe haunzwi here uchapupu hwezvavari kukupomera izvi?” Asi, Jesu akaramba anyerere, akasapindura kunyange chimwe zvacho, mubati akashamiswa kwazvo. Zvino yaiva tsika yomubati pamutambo kusunungura musungwa mumwe chete anenge asarudzwa navanhu vazhinji. Panguva iyoyo vaiva nomusungwa ainge anetsa kwazvo ainzi Bharabhasi. Saka vanhu vazhinji vakati vaungana, Pirato akavabvunza akati, “Ndoupi wamunoda kuti ndikusunungurirei: Bharabhasi kana kuti Jesu anonzi Kristu?” Nokuti aiziva kuti vakanga vamuisa kwaari nokuda kwegodo. Pirato akati agere pachigaro chokutonga mukadzi wake akamutumira shoko iri rokuti: “Usawana chaunoita nomurume uyo asina mhosva, nokuti hope dzandarota nezvake usiku hwanhasi dzanditambudza kwazvo.” Asi vaprista vakuru navakuru vavanhu vakakurudzira vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi uye kuti Jesu aurayiwe. Mubati akabvunza akati, “Ndoupi pavaviri ava wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Vakapindura vakati, “Bharabhasi!” Pirato akabvunza akati, “Zvino ndichaiteiko naJesu anonzi Kristu?” Vakapindura vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!” Pirato akabvunzazve achiti, “Nemhaka yei? Mhosva yake ndeyei?” Vanhu vazhinji vaya vakaramba vachidanidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa!” Pirato akati aona kuti hapana kwaaisvika, asi kuti bope rakanga rotanga, akatora mvura akashamba maoko ake pamberi pavanhu akati, “Handina mhosva yeropa romunhu uyu. Zvionerei.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pevana vedu.” Ipapo akavasunungurira Bharabhasi, asi akaita kuti Jesu arohwe, uye akamupa kwavari kuti arovererwe pamuchinjikwa. Ipapo varwi vomubati vakatora Jesu vakaenda naye mumuzinda womubati uye vakaunganidza hondo yose paari. Vakamubvisa nguo dzake vakamupfekedza nguo tsvuku. Vakaruka korona yeminzwa vakaiisa pamusoro wake. Vakamubatisa mudonzvo muruoko rwake rworudyi vakapfugama pamberi pake uye vakamuseka vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamusvipira mate vakamutorera tsvimbo iya uye vakamurova nayo mumusoro kakawanda. Shure kwokumuseka, vakamupfekedza nguo dzake chaidzo ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. Vakati vobuda, vakasangana nomurume aibva kuSairini ainzi Simoni, uye vakamumanikidza kuti atakure muchinjikwa. Vakasvika panzvimbo inonzi Gorogota, (zvinoreva kuti Nzvimbo yeDehenya). Ipapo vakapa Jesu waini yakasanganiswa nenduru, kuti anwe, asi akati airavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake vachiita zvokukanda mijenya. Uye vakagara pasi, vakamurinda. Pamusoro pake vakaisa rugwaro rwemhosva yake rwaiti: “UYU NDIJESU, MAMBO WAVAJUDHA.” Makororo maviri akarovererwawo pamwe chete naye, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Vaya vaipfuura napo, vakamutuka vachidzungudza misoro yavo uye vachiti, “Iwe uri kuzoputsa temberi uchizoivakazve mumazuva matatu, chizviponesa! Buruka pamuchinjikwa kana uri Mwanakomana waMwari!” Nenzira imwe cheteyo, vaprista vakuru, navadzidzisi vomurayiro navakuru vakamuseka vachiti, “Akaponesa vamwe, asi haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo weIsraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa tigotenda kwaari. Anovimba naMwari saka ngaachimununura iye zvino kana achimuda, nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Nenzira imwe cheteyo makororo akanga arovererwa pamwe chete naye akamutukawo. Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose. Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.” Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe. Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.” Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka. Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu. Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji. Mukuru wezana navaya vaakanga anavo vakarinda Jesu, pavakaona kudengenyeka kwenyika nezvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo, uye vakati, “Zvechokwadi, anga ari Mwanakomana waMwari!” Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vachitarira vari kure. Vakanga vatevera Jesu kubva kuGarirea kuti vamuriritire pane zvaaida. Pakati pavo paiva naMaria Magadharena, Maria mai vaJakobho naJosefa, namai vavanakomana vaZebhedhi. Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu. Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe. Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena, akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda.
Mateo 27:1-60 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ava mangwana, vapristi vakuru vose navakuru vavanhu vakarangana pamusoro paJesu kuti vamuuraye; vakamusunga, vakaenda naye, vakamuisa kuna Pirato, aiva gavhuna. Zvino Judhasi, uyo akamupandukira, akati achiona kuti atongerwa kufa, ndokuzvidya mwoyo, akadzosera mari iya makumi matatu esirivha kuvapristi vakuru navakuru vavanhu, achiti, “Ndatadza, ndapandukira ropa risina mhosva.” Vakati, “Tine mhaka yeiko nazvo? Imhaka yako.” Akakandira pasi mari iya mutemberi; akabva, akaenda ndokuzvisungira. Vapristi vakuru vakatora mari yesirivha, vakati, “Hazvina kufanira kuti ichengetwe munovigwa mari, zvauri mutengo weropa.” Vakarangana, vakatenga nawo munda womuumbi wehari kuzovigapo vatorwa. Naizvozvo munda uyo wakanzi, “Munda weropa” kusvikira zuva ranhasi. Zvino zvakarehwa nomuporofita Jeremiya zvakaitika, zvinoti: “Vakatora mari yesirivha makumi matatu, Mutengo womunhu aitengeswa, Wakatarwa navana vaIsiraeri; Vakatenga nawo munda womuumbi wehari, Sezvandakarairwa naIshe.” Zvino Jesu akamira pamberi pagavhuna, gavhuna akamubvunza, akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.” Asi akati achipomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru, haana kupindura chinhu. Zvino Pirato akati kwaari, “Haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?” Asi haana kuvapindura, kunyange neshoko rimwechete, gavhuna akashamiswa kwazvo-kwazvo nazvo. Zvino, pamutambo mubati aisisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe, wavanenge vaida. Nenguva iyo vaiva nomusungwa akakurumbira, ainzi Bharabhasi. Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi, kana Jesu, anonzi Kristu?” Nokuti akanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo. Zvino akati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira izwi kwaari, achiti, “Usava nemhaka nomunhu uyo akarurama; nokuti ndakatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.” Vapristi vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu aurawe. Gavhuna akapindura, akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri?” Vakati, “Bharabhasi.” Pirato akati kwavari, “Ndichagoiteiko naJesu, anonzi Kristu?” Vose vakati kwaari, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa.” Iye akati, “Chakaipa chaakagoita ndecheiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa!” Zvino Pirato, achiona kuti hazvibatsiri, asi kuti potomuka bope, akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pavanhu vazhinji, achiti, “Handine mhaka neropa romunhu uyu akarurama; imhaka yenyu!” Vanhu vose vakapindura, vakati, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pavana vedu.” Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino varwi vaPirato vakaenda naJesu mumuzinda wagavhuna hondo yose ikaunganira kwaari. Vakamubvisa nguo dzake, vakamufukidza nguo tsvuku; vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsanga muruoko rwake rworudyi; vakapfugama pamberi pake, vakamuseka, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate, vakatora rutsanga, vakaramba vachimurova musoro. Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, vakamupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa. Vakati vachibuda, vakawana munhu weKurini, ainzi Simoni; vakamumanikidza iye kuti atakure muchinjikwa wake. Vakati vasvika panzvimbo inonzi, Gorogota, ndokuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakavhenganiswa nenduru, kuti anwe; asi akati aravira, akaramba kunwa. Vakati vamurovera pamuchinjikwa, vakagovana nguo dzake pakati pavo, vachikanda mijenya, (kuti zvakarehwa nomuporofita zviitike, zvinoti: Vakagovana nguo dzangu pakati pavo, vakakanda mijenya pamusoro pezvokufuka zvangu) Vakagara, vakamurindapo. Vakaisa pamusoro wake rugwaro rwemhosva yake, rwokuti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Vakarovera pamwechete naye makororo maviri, mumwe kurudyi, mumwe kuruboshwe. Vakanga vachipfuura, vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, vachiti, “Iwe wokuputsa temberi, nokuivakazve namazuva matatu, chizviponesa. Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.” Saizvozvo vapristi vakuru, navanyori navakuru, vakamuseka, vachiti, “Akaponesa vamwe; haagoni kuzviponesa! Ndiye Mambo wavaIsiraeri! Ngaaburuke zvino pamuchinjikwa, titende kwaari. Aivimba naMwari; ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa, kana achimuda; nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Namakororo akanga aroverwa pamuchinjikwa pamwechete naye, akamuzvidza saizvozvo. Zvino kubva panguva yechitanhatu kusvikira panguva yepfumbamwe, rima rakavapo panyika yose. Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Eri, Eri, rama sabakitani?” Ndokuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo, vachinzwa, vakati, “Uyo anodana Eria.” Pakarepo mumwe wavo wakamhanya, akatora chipanje, akachizadza nevhiniga, ndokuchiisa parutsanga, akamunwisa. Vamwe vakati, “Regai, timboona kana Eria achizouya kumuponesa.” Zvino Jesu akadanidzirazve nezwi guru, ndokubva afa. Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka; mabwiro akazaruka, zvitunha zvizhinji zvavarurami, vakanga vavete, zvakamutswa; zvikabuda pamabwiro, iye akati amuka, vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa navazhinji. Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.” Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure, vakanga vatevera Jesu, vachibva Gariria vachimushandira. Pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharene, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vavanakomana vaZebhedhi. Zvino ava madeko kukasvika mumwe mupfumi weArimatia, ainzi Josefa, akanga ari mudzidzi waJesu, akaenda kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akarayira kuti apiwe. Josefa akatora chitunha, akachiputira nomucheka muchena, akauviga mubwiro hwake hutsva, hwaakanga azvigadzirira iye; akakungurusira ibwe guru pamuromo webwiro, akabva oenda.
Mateo 27:1-60 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti kwaedza vapristi vakuru vose navakuru–vakuru vavanhu vakaita bangano rokuti vauraye Jesu. Vakamusunga ndokuenda naye vakandomuturira kuno mutongi Pirato. Judhasi, uya akamutengesa, paakaona kuti Jesu atongerwa rufu akatendeuka akadzorera mari iya yesirivha makumi matatu kuvapristi vakuru navakuru–vakuru achiti, “Ndakatadza nokutengesa kwandakaita ropa risina mhaka.” Ivo vakati, “Ko isu tinei nazvo. Ndezvako izvo.” Judhasi akakanda mari iya yesirivha muTemberi akabva aenda ondozvisungirira. Asi vapristi vakuru vakatora mari iya yesirivha vakati, “Hazvisi pamutemo kuti tiise mari iyi mudura remari yomuTemberi nokuti imari yeropa.” Saizvozvo vakarangana vakatenga nayo munda womuumbi wehari kuti vagosivigamo vatorwa. Naizvozvo munda iwoyo unonzi “Munda weropa.” Nanhasi uno. Ndipo pakazadzikiswa zvakataurwa nomuporofita Jeremiya achiti, “Vakatora mari yesirivha makumi matatu waiva mutengo wakatemwa navaIsiraeri wokumutenga nawo. Ndiyo mari yavakatenga nayo munda womuumbi wehari sokunditaurira kwakaita Tenzi.” Jesu akamira pamberi pomutongi. Mutongi akamubvunza kuti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati, “Inga matozvireva kare wani.” Asi paakapomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru–vakuru, haana kupindura. Ipapo Pirato akati kwaari, “Hausikunzwa here kuwanda kwezvinhu zvavari kukupomera?” Asi iye haana kumupindura kunyange mhosva imwechete zvayo zvokuti mutongi zvakamukatyamadza zvikuru. Zvino pamazuva makuru aya mutongi aiva netsika yokusunungurira vanhu musungwa mumwechete wavainge vada. Ipapo vakanga vaino musungwa aive nomukurumbira ainzi Bharabhasi. Saizvozvo vanhu pavakanga vaungana, Pirato akati kwavari, “Ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei, Bharabhasi here kana kuti Jesu anonzi Kristu?” Akadaro nokuti aiziva kuti vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje. Chimwezve ndechokuti paakanga agere pachigaro chokutonga, mudzimai wake akatumira shoko kwaari achiti, “Siyanai nomunhu uyo wakarurama nokuti nhasi ndatambudzika naye zvikuru kuhope.” Vapristi vakuru navakuru–vakuru vakagombedzera vanhu kuti vakumbire Bharabhasi asi Jesu aparadzwe. Mutongi akatizve kwavari, “Pavaviri ava ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Ivo vakati, “Bharabhasi.” Pirato akati kwavari, “Ko ndoitei naJesu anonzi Kristu?” Vose vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati, “Nemhaka yei? Akapara mhosva yei? Akatadzei?” Asi vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato paakaona kuti hapana zvazviri kubatsira asi kuti pavakutomuka bongozozo, akatora mvura akageza maoko ake pamberi pemhomho iyoyo achiti, “Handina mhosva paropa romunhu uyu. Chizvionerai moga iyemi.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngaritipfukire isu navana vedu.” Akavasunungurira Bharabhasi. Asi ndokurova Jesu zvikuru akamuturira mumaoko avo kuti vamuroverere pamuchinjikwa. Masoja aPirato akaenda naJesu mumuzinda waGavhuna. Boka rose ramasoja rakamuunganira. Vakamupfekenura hanzu vakamupfekedza gemenzi dzvuku. Vakaruka chiremba cheminzwa vakachidzika mumusoro make. Vakamubatisa rutsanga murudyi rwake. Vaipfugama pamberi pake vachimusveeredza vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate vakatora rutsanga ruya vachimurova narwo mumusoro. Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa gemenzi riya vakamupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa. Pavakanga vakubuda, vakasangana nomumwe murume wokuSairini ainzi Simoni. Vakamanikidza murume iyeyo kutakura muchinjikwa waJesu. Pavakasvika panzvimbo inonzi Gorogota zvinoreva kuti, “Nzvimbo yedehenya,” vakamupa waini yakasanganiswa nenduru kuti anwe. Paakairavira akaramba kuinwa. Vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagoverana hanzu dzake vachiita chin'ange. Vakagara pasi vachimuchengetedza ipapo. Nechapamusoro vakaisa chiga chemhosva yake chaiti, “UYU NDIJESU MAMBO WAVAJUDHA.” Ipapo makororo maviri akarovererwa pamuchinjikwa pamwechete naye, mumwe ari kurudyi mumwe kuruboshe. Vanhu vaipfuura nepo, vakamuseka vachidzungudza musoro vachiti, “Ndiweka unogona kuputsa Temberi uchiivaka namazuva matatu, chizviponeseka kana uri Mwanakomana waMwari buruka pamuchinjikwa.” Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo navakuru vakuru vakamunyombawo vachiti, “Akaponesa vamwe asi haaagoni kuzviponesa. Ndiyeka mambo wavaIsiraeri. Ngaaburuke pamuchinjikwa iye zvino tigotenda maari. Anovimba naMwari. Ko iye Mwari ngaachimuponesaka kana achimuda nokuti akati, ‘Ndiri Mwanakomana waMwari.’ ” Kunyange makororo aya akanga akarovererwa naye akamunyombawo nenzira imwecheteyo. Kubvira paawa yegumi nechipiri, masikati nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati. Neawa inenge yechitatu masikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eri Eri rama sabhakitani” zvinoreva kuti, “Mwari wangu Mwari wangu mandisiireiko.” Vamwe vakanga vakamirapo pavakazvinzwa vakati, “Munhu uyu ari kudaidza Eriya.” Mumwe wavo, pakarepo, akamhanya akatora chifovefove ndokuchinyika muwaini inovava kusvika chazara. Akachibairira parutsanga akamupa kuti anwe. Asi vamwe vakati, “Mirai tione kuti Eriya achauya kuzomuponesa here.” Jesu akadaidzira zvakare nezwi guru ndokubva afa. Hero jira romuTemberi rokudzikatirisa rakabva rabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvika pasi. Nyika yakandengendeka; matombo akatsemuka. Makuva akazaruka. Vanhu vazhinji vakafa vatsvene vakamutswa. Vakabuda mumakuva mushure mokumuka kwake. Vakapinda muguta dzvene vakaonekwa navazhinji. Mutungamiriri wezana ramasoja navaakanga ainavo vachichengetedza Jesu, vakaona kundengendeka nezvakanga zvaitika vakabatwa nokutya kukuru vakati, “Zvechokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” Pakangawo paina madzimai mazhinji ipapo akanga akatarisa ari chinhambwe, akanga atevera Jesu kubva Garirea achimushandira. Pakati pavo paiva naMaria Maghadharena naMaria amai Jemusi naJosefi namai vavanakomana vaZebhedhi. Ava manheru kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatia ainzi Josefi aivawo mudzidzi waJesu, akaenda kuna Pirato akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akati ngachipiwe kwaari. Josefi akatora chitunha ndokuchiputira mufuko rakachena. Akachiradzika muguva rake idzva raakanga azvichezera mudombo. Akakungurutsira dombo guru pamusuo weguva iroro ndokuenda zvake.
Mateo 27:1-60 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Aʋa maŋgwana, ʋaprista ʋakuru ʋose naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaraŋgana pamsoro paJesu kuti ʋamuʋuraye; ʋakamusuŋga, ʋakaenda naye, ʋakamuisa kunaPirato, muɓati. Ɀino Judasi, uyo wakamupandukira, wakati aciʋona kuti watoŋgerwa kufa, ndokuɀidya mŋoyo, akadzosera masirveri aya anamakumi matatu kuʋaprista ʋakuru naʋakuru, aciti: Ndatadza, ndapandukira ropa risinemhoȿa. Ʋakati: Tinemhaka yeiko naɀo? Imhaka yako. Akakandira pasi masirveri mutembere; akabva, akaenda ndokuɀisuŋgirira. Ʋaprista ʋakuru ʋakatora masirveri, ʋakati: Haɀina‐kufanira kuti tiaise muciʋigiro cemari, ɀauri muteŋgo weropa. Ʋakaraŋgana, ʋakateŋga nawo munda womuʋumbi wehari, kuzoʋiga’po ʋatorwa. Naiɀoɀo munda uyo wakanzi munda weropa kuȿikira zuʋa ranhasi. Ɀino ɀakarebga nomuprofita Jeremia ɀakaitika, ɀinoti: Ʋakatora masirveri anamakumi matatu, Muteŋgo waiye wakatarirwa muteŋgo, Uyo wakatarwa naʋana ʋaIsraeri; Ʋakateŋga nawo munda womuʋumbi wehari, Seɀandakarairwa naShe. Ɀino Jesu wakamira pamberi pomuɓati, muɓati akamubvunza, akati: Ndiwe mambo waʋaJuda here? Jesu akati kwaari: Ndiɀo ɀamataura. Asi wakati acipomerwa mhoȿa naʋaprista ʋakuru naʋakuru, haana‐kupindura cinhu. Ɀino Pirato akati kwaari: Haunzwi ɀinhu ɀizhinji ɀaʋanokupomedzera here? Asi haana‐kuʋapindura, kunyaŋge neshoko rimŋe cete, muɓati akashamiswa kwaɀo‐kwaɀo naɀo. Ɀino, pamutambo muɓati waisisunuŋgurira ʋanhu ʋazhinji musuŋgwa mumŋe, waʋaneŋge ʋaiɗa. Neŋguʋa iyo ʋaiʋa nomusuŋgwa wakakurumbira, wainzi Barabasi. Naiɀoɀo ʋakati ʋaʋuŋgana, Pirato akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei aniko? Barabasi, kana Jesu, unonzi Kristu? Nokuti wakaŋga aciziʋa kuti ʋakaŋga ʋamuisa kwaari negoɗo. Ɀino wakati agere pacigaro cokutoŋga, mukadzi wake akatumira kwaari, aciti: Usaʋa nemhaka nomunhu uyo wakarurama; nokuti ndakatambudzika ɀikuru nhasi pakurota nokuɗa kwake. Ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋakagombedzera ʋanhu ʋazhinji kuti ʋakumbire Barabasi, Jesu aʋurawe. Muɓati akapindura, akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei aniko kunaiʋaʋo ʋaʋiri? Ʋakati: Barabasi. Pirato akati kwaʋari: Ndicagoiteiko naJesu, unonzi Kristu? Ʋose ʋakati kwaari: Ŋgaaroʋerwe pamucinjikwa. Iye akati: Cakaipa caakagoita ndeceiko? Ʋakanyanyisa kuɗanidzira, ʋaciti: Ŋgaaroʋerwe pamucinjikwa! Ɀino Pirato, aciʋona kuti haɀiɓatsiri, asi kuti pomuka ɓope, wakatora mvura, akashamba maʋoko ake pamberi paʋanhu ʋazhinji, aciti: Handinemhaka neropa romunhu uyu wakarurama; mhaka yenyu! Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋakati: Ropa rake ŋgariʋe pamsoro peɗu napaʋana ʋeɗu. Ɀino akaʋasunuŋgurira Barabasi, asi Jesu wakamuroʋesa kwaɀo, akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋarwi ʋomuɓati ʋakaisa Jesu mumba momuɓati, hondo yose ikaʋuŋganira kwaari. Ʋakamubvisa ŋguʋo dzake, ʋakamufukidza ŋguʋo tȿuku; ʋakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsaŋga muruʋoko rwake rworudyi; ʋakafugama pamberi pake, ʋakamuseka, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamupfira mate, ʋakatora rutsaŋga, ʋakaramba ʋacimuroʋa musoro. Ʋakati ʋamuseka, ʋakamubvisa ŋguʋo tȿuku, ʋakamupfekedza ŋguʋo dzake, ʋakaenda naye kundomuroʋera pamucinjikwa. Ʋakati ʋaciɓuɗa, ʋakawana munhu weKurini, wainzi Simoni; ʋakamumanikidza iye kuti atakure mucinjikwa wake. Ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Gorgota, ndokuti nɀimbo yeɗehenya, ʋakamupa waini yakaveŋganiswa nenduru, kuti anwe; asi wakati araʋira, akaramba kunwa. Ʋakati ʋamuroʋera pamucinjikwa, ʋakagoʋana ŋguʋo dzake pakati paʋo, ʋacikanda mijenya, [kuti ɀakarebga nomuprofita ɀiitike, ɀinoti: Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, ʋakakanda mijenya pamsoro peɀokufuka ɀaŋgu.] Ʋakagara, ʋakamurinda’po. Ʋakaisa pamsoro pomusoro wake rugwaro rwemhoȿa yake, rwokuti: UYU NDIJESU MAMBO WAƲAJUDA. Ʋakaroʋera pamŋe cete naye makororo maʋiri, mumŋe kurudyi, mumŋe kuruɓoshwe. Ʋakaŋga ʋacipfuʋura, ʋakamutuka, ʋacidzuŋgudza misoro yaʋo, ʋaciti: Iwe wokuputsa tembere, nokuiʋaka ɀe namazuʋa matatu, ciɀiponesa. Kana uri Mŋanakomana waMŋari, ɓuruka pamucinjikwa. Saiɀoɀo ʋaprista ʋakuru, naʋanyori naʋakuru, ʋakamuseka, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe; haagoni kuɀiponesa! Ndiye Mambo waʋaIsraeri! Ŋgaaɓuruke ɀino pamucinjikwa, titende kwaari. Waiʋimba naMŋari; ŋgaacimusunuŋgura ɀino pamucinjikwa, kana acimuɗa; nokuti wakati: Ndiri Mŋanakomana waMŋari. namakororo akaŋga aroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, akamuɀidza saiɀoɀo. Ɀino kubva paŋguʋa yecitanhatu kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe, rima rakaʋa’po panyika yose. Neŋguʋa ineŋge yepfumbamŋe, Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Eri, Eri, rama sabaktani? Ndokuti: Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po, ʋaciɀinzwa, ʋakati: Uyo unoɗana Eria. Pakarepo mumŋe waʋo wakamhanya, akatora cipanje, akacizadza nevinega, ndokuciisa parutsaŋga, akamunwisa. Ʋamŋe ʋakati: Regai, timboʋona kana Eria acizoʋuya kumuponesa. Ɀino Jesu akaɗanidzira ɀe nenzwi guru, akarega mŋeya wake. Ipapo tarira, cidzitiro cetembere cakabvaruka napakati, kubva kumsoro kuȿikira pasi; nyika ikaɗeŋgenyeka, mabge akatsemuka; mabgiro akazaruka, nemitumbu mizhinji yaʋatȿene, ʋakaŋga ʋaʋete, yakamutswa; ʋakaɓuɗa pamabgiro, iye amuka, ʋakapinda muguta dɀene, ʋakaʋonekwa naʋazhinji. Ɀino mukuru wezana, naʋairinda Jesu naye, ʋakati ʋaciʋona kuɗeŋgenyeka kwenyika, neɀakaitwa, ʋakatya ɀikuru, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu wakaŋga ari Mŋanakomana waMŋari. Ʋakadzi ʋazhinji ʋakaŋga ʋari’po, ʋakatarira ʋari kure, ʋakaŋga ʋateʋera Jesu, ʋacibva Garirea ʋacimushandira. Pakati paʋo kwakaŋga kunaMaria Magdarene, naMaria mai ʋaJakobo naJose, namai ʋaʋanakomana ʋaZebedi. Ɀino aʋa maɗeko kukaȿika mumŋe mufumi weArimatea, wainzi Josefa, wakaŋga ari mudzidzi waJesu amene, akaenda kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu. Pirato akaraira kuti apiwe. Josefa akatora mutumbu, akauputira nomuceka mucena, akauʋiga mubgiro bgake bgutȿa, bgaakaŋga acera pabge; akakuŋgurusira ibge guru pamuromo wobgiro, akabva.
Mateo 27:1-60 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)