Chava chinguva vaya vakanga vamirepo vakauya, vachiti kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, newewo uri mumwe wavo, nokuti kutaura kwako kunoita kuti uzikanwe.” Zvino akatanga kutuka nokupika, nemhiko achiti, “Handimuzivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rikakukuridza. Ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa naJesu, rokuti, “Jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda panze, akandochema zvikuru.
Verenga chikamu Mateu 26
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 26:73-75
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo