Mateo 26:73-75
Mateo 26:73-75 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, “Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwamatauriro ako.” Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, “Murume uyu handimuzivi!” Pakarepo jongwe rakarira. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti: “Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.
Mateo 26:73-75 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chava chinguva vaya vakanga vamirepo vakauya, vachiti kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, newewo uri mumwe wavo, nokuti kutaura kwako kunoita kuti uzikanwe.” Zvino akatanga kutuka nokupika, nemhiko achiti, “Handimuzivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rikakukuridza. Ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa naJesu, rokuti, “Jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda panze, akandochema zvikuru.
Mateo 26:73-75 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwapera chinguvana, vakanga vamirepo vakauya vakati kuna Pita, “Zvechokwadi iwe uri mumwe wavo nokuti mutauriro wako unokubatisa.” Pita akatanga kuzvirengerera rushambwa achitopika achiti, “Handizivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rakabva rakukuridza. Pita akayeuka zvakanga zvarehwa naJesu zvokuti, “Uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Pita akabuda panze akahwihwidza kuchema zvinosiririsa.
Mateo 26:73-75 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Caʋa ciŋguʋa ʋakaŋga ʋamire’po ʋakaʋuya, ʋaciti kunaPetro: Ɀirokwaɀo, newe ʋo uri mumŋe waʋo, nokuti kutaura kwako kunokuziʋisa. Ɀino wakataŋga kutuka nokupika, aciti: Handimuziʋi munhu uyu. Pakarepo joŋgwe rikarira. Ipapo Petro akaraŋgarira shoko rakaŋga rarebga naJesu, rokuti: Joŋgwe risati rarira, ucandiramba katatu. Ipapo akaɓuɗa panze, akandocema ɀikuru.
Mateo 26:73-75 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)